Monday, November 27, 2017

MASHOKO

Kanda zvako mashoko paunodira
Potsera zvako mafafa nemagaramoyo
Kanda zvako anenge munondo unocheka kwese
Potsera zvako unyatsobaya panyama nhete
Unei nazvo kuti anondigogona ako magaramoyo
Iwo moyo wako wakaoma sedombo!

Vhiya zvako unatsondisasika pazuva
Ndichere zvako urasire zvose zvishonhwa kwandiri
Udaro zvako ndisare ndareruka zvangu sezambuko
Udaro zvako ndisare ndangova rengenya
Unei nazvo kuti panyika ndiri munhuwo ane chiremerera
Chinodawo kuchengetedzwa kuti ndinzi munhu
Iwe uri mugonazvose asingacheuki vamwe!

Kunyange ako mashoko achinge hwenyoka uturu
Achivava senduru kana hurukuru
Uchiita ekurutsa nepamuromo pasingamhari nhunzi
Vazhinji tichisona muromo paunotaura
Nekuti zvemuvare wemashoko zvinotivhiringa
Rimwe zuva uchawana gone wakowo

Nekuti gone ana gone wakewo.


NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro @ 2017

NDINONZWA

Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mumboteyawo nzeve kuzvandinonzwa
Dzimwe nguva sendisiri munhu ndinonzwa
Kupera simba kunge ndoda kupepereka
Ndovhunduka zvinoti kwatara ndisina katurike.

Ngoma kurira muhana ndinonzwazve
Sendine mhosva ndomboringa-ringa
Hana yangu manhanga yombobika
Sendatarisana neshumba chikara
Ndinonzwa ndobvunda serutsanga mumvura.

Sendamwira magopwe mashoko
Anondizarira zvonditi rukurira munduri
Ndonyandura saka ndichinzi Nyanduri
Nekuti nduri ndinonzwa dzichidururwa mandiri
Saka ndinzwei mandiri mune zvandinonzwa.

Ndinonzwa zevezeve munzeve
Vataurire vateye nzeve
Ndivapakurire mupakwa wamangwana
Mangwana vasapingwa nemutanda wazuro
Zuro vakandinyira nzeve nawo vakapingwa.


Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mukaona ndonyandura zvimwe ndanzwa
Kurudziro yezvamakambobata zvakanaka
Nemaungira emhosho dzakamboitwa.
Zviuya zvichauya ndinonzi ndikuzivisei
Chenjedzo yekuti mucharike mitanda
Ndinonzwa zvichindisunda
Kuti nyora, nyora ramba uchingonyora!

Ndinonzwa kuti nyora, saka ndiri munyori!


NaNtanduri Tafazdwa Moyo
#Tipindewo Mudariro! @ 2017

Thursday, October 26, 2017

SAHWIRA

Waroverepiko nhai sahwira?
Usipo semhou yarasa mhuru ndaidzungaira,
Wakangonyangarika seguyo rakandwa mugungwa
Ndikati zvimwe namakororo enhare wapingwa
Kana kuti dandemutande ramasaisai kwauri radimurwa
Ini ndovimba kuti zvangu zvinyorwa uchaparura.

Pandinozadzwa nenduri dzoda kunyandurwa
Ndinoshaya ndiyani wandinganyandurira.
Pandinozvimba motashungu rizere nganonyorwa
Ndinoda iwe uritumbure ndinzwe kufefeterwa
Zvirokwazvo uri mumvuri wemafemo kuturira
Unondisimbaradza mune ichi chipo
Saka ndichisuwa nguva idzo unenge usipo.

Zvinodaro nokuti tiri shiri dzimwe
Nomuririro weduzve ndomumwe
Saka ndisingadi kukushaya zuva rimwe.
Pandinonyandura unobvumirawo nenduri
Wondikurudzira kuti ndimire sanyanduri
Tochidzidzana samadzimai muduri

Ndiri kuno ndinozwa “Mabvumira Enhetembo”
Ndobva ndaziva kunobva “Mutinhimira Wedetembo”
Asi ndinoshaya mapindiro mu”Dandaro Nenhetembo.”
Paya wakavanzwa pavakati “Tipeiwo Dariro”
Sezvo vatsva vetsambo wakavapa dariro

Iwewo nhasi chidaira ndinoti “Tipindewo Mudariro!”



NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Monday, September 25, 2017

NDAITI SHAMWARI....

Ndaiti shamwari ndeuyo wandakamboona nameso
Wandinogara ndichitaura naye panhare nepawatsiapu
Ndaiti zvimwe shamwari ndeuya wandakadzidza naye kuchikoro
Kana wandakashanda naye kubasa kwemakore.

Ndaiti kuda shamwari ndewandinobata naye kukereke’yo
Kana muvakidzani wandinonzwana naye,
Ndaitizve shamwari ndeuya wandinogara ndichishanyirana naye
Anopota achindipa mari ndomuti munhu kwaye.

Ndaitiwo shamwari ndiyonini anondiyananisa nemhuri tapesana
Kana yekera wandinogara ndichinwa naye doro,
Ndaiti shamwari nditicha nhingi vaindifevha kuchikoro ndafoira
Kana Mayaya wemumugwagwa anorega ndichifamba nemota isina kukwana nerweseri
Ndaitizve shamwari ndigweta nhingi akandimiririra kuramba mhosva yandakapara
Kana mufundisi yeyo akarega ndichitorana nemudzimai wanhingi nekuti ndine dzamatsama remari

Ndaiti shamwari ndimaneja Mujubheki akandipinza basa nembudzi yandakamubhadhara
Kana dhiredhi akandipinza mune akazodhirika embanje nekuba madhiri
Ndaiti shamwari ndimukoti yeyo anondidaridza mutsetse ndanonoka kuchipatara
Kana sabhuku Vharazipi asingandishaisi keya chero ndiri muzvinabhizimusi

Asi zvino ndaona kuti idzi handi shamwari,
Ko zvino ndiani wandingati shamwari?
Ndiri mucheche zvizhinji ndakanga ndisingazivi
Asi ndakazoti ndava chimunhu, ndakaziva!
Kana zvino handisakaziva kuti shamwari chaiyo ndeipi
Asi kuzoti ndava chimunhu, ndichaziva

Kuti shamwari nd..................................

NaNyanduri Tafadzwa Moyo (c) 2017

Saturday, September 16, 2017

CHIONA ZVAWAVE

Nhai Muchazviona mwana’ngu
Waive washayei chaizvo?
Wakazvirinze nyika ukati ndave chigondora
Iwe uchine mukaka pamhino,
Iwe wakarambazve kudya mabhuku,
Waiti unonotangira papi nhai mwana’ngu
Iwe wakakanda pasi mabhuku uchi mudiki?

Waona kuti mari haimuki,
Wakamutsa yako kambani,
Kambani yokuponda nokubvutira vanhu mari
Mari yamaipondera vaishaya yokukupai,
Pashure pokuvavhiringidza kuti vakupei mari.
Waiti unoenda nepiko nhai mwana’ngu?
Zvino nhasi chiona zvawave.

Wave mumaoko avo vanamugaradzakasungwa,
Waiti zvichakusvitsepiko nhai Muchazviona?
Mirimo yenyu vana inotikanga mate mukanwa.
Miromo yevakuru haiwiri pasi.
Waiuya namazakwatira ayo mari,
Mari yamaitorera nokubvutira vanhu,
Isu tikambofunga kuti zvimwe wauwana munda,
Munda unobuda goho,
Nyamba taitobata chakati tende.

Takambobvunza kuti woshanda here?
Iwe ukatenda nomuromo chete
Iwe uchiziva zvako zvauri.
Ona wakatikoromorera yeuya muNdau ngozi,
Ngozi yawakaita yokutivhimira nedemo.
Waiti zvinoguma nei nhai mwana’ngu?
Asi nhasi chiona zvawave.

Ko zvino zvawakazouraya vako baba
Nokusaziva uchiti mufambiwo zvake?
Kana iye mupfuurinanzira ndiye anganzarwo?
Zvino iwe zvowoenda kumazivandadzoka
Ndichagona kuriritira here iyi mhuri?
Mhuri yakadyirwa baba newe ka-ani!
 Kutirumisa here Muchazviona nechawakachera!
Waisaziva here kuti chivi hachieri musi wacharimwa?
Asi chitarisa uone nhasi zvawave.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Monday, August 7, 2017

MAZUVA AYE

Ucharangarira here mudikanwi mazuva aye?
Mazuva ataiita sechirongo nemvura,
Bhande nebhurukwa zvichitomirira kure,
Nhungo nembariro zvichisara pasi,
Taitoita dzvete-tsvete sedovi nesadza
Patainge tave kupenga narwo rudo
Pana iwo mazuva aye.

Waizivawo here nhai mudikanwi,
Kuti ndozvazvinoita pavadanani?
Yaingova tsika zvako nditsikewo
Kutakudzana bandauko renda.
Asi nhasi tongopana makotsi,
Tichinge mombe dzakapimirana.
Mudikanwi, aye aive mazuva erufaro!

Ucharangarira here riye zuva,
Zuva redu rekutanga kuonana?
Pataidanana tisingazivi kuti tinodanana,
Pataiti tikasanganidza edu meso,
Tose taiti nyechu kunyemwererana,
Pawaiti ndikakutarisa hana yorova nerudo,
Pandaitiwo ukataura mwoyo woshungurudzwa.

Meso ako ainge nyenyedzi kujeka,
Mazino achinge mukaka kuchena,
Vhudzi rwuri rusvisvi rwebani kusvibira,
Uine tsapfu dzaitaima sezuva,
Wainge uri tsikombi chaiyo.
Chokwadi ndaiti uri mwenje wangu.
Asi nhasi ndanga ndisisazviona seiko?

Vanhu vakamboedza kutiparadzanisa,
Asi vakawana rwakasungwa neutare,
Vakareva mashoko makukutu atisina kuona
Vakatenge vaikuchidzira rwedu rudo.
Kunyange nhasi mwoyo wako uri pandiri,
Asi ini ndini ndange ndafurirwa,
Asi ndazofunga kaviri zvino:-

Rudo rwedu nderwemandorokwati,
Saka ndichaedza kuti newe wega kwati
Nokuti maruva enyika haaperi,
Ukamatevedzera unoswera waputsa musha.
Kune vaya vokushaya ganda kumeso,
Ukavatevedzera vanokubata kumeso.
Chiuya zvino tidzokere kumufaro uye

Uyo wataive nawo pamazuva aye.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

SIYANA NAVO

Ndipewo zheve nhasi mwana’ngu ndikuudze
Zvakanangana rawaveri zera nhasi uno,
Nokuti ndiyo nguva yokusarudza gwara roupenyu,
Ukasarudza rakakombama zvichakutambudza.
Vaikufarira vachakuseka wotambura,
Nokuti makonzo anoruma nokufuridzira pamwe chete.
Asi kunyange voseka zvavo sei, iwe siyana navo.

Vakange voponda iwe nunurira mupondwi,
Vakange vomukira iwe, vape dama rakanaka,
Vakange votsvaga hanzvadzi dzorudo iwe gara pasi,
Uchirodza dzako njere mukutsoropodza wakutora mwoyo
Nokuti zvokuroorana vamatongo makati pasi tsve-e.
Ndinozviziva hazvisi nyore nokuti vachakuseka,
Asi kunyange voseka zvavo sei, iwe siyana navo.

Ukaona vomberereka namakura kutsvaga ndari,
Vachiti kana vanwa vorasa misoro, mashoko vongorutsa,
Vasisagoni kutaura navamwe zvakanaka,
Vachiti kuvatsiura voda zvokumukira iwe,
Vachipota vachimbobatana huro pachavo,
Vachimboedza kuti upindewo mugwara ravo
Usanzwe, asi chaungaita kusiyana navo.

Hapano pakaoma zvino mwana’ngu nezvezera rako,
Majaya mazhinji ofarira zvokufadza nyama,
Vonge mabhuru emashanga pakurarama,
Vozvarisa gumi nefararira revasikana vose vachisiya
Vangobata mari tande kuzvipuramari!
Zvirokwazvo ndinoti rega kutorwa mwoyo nezvakadaro.
Kana vakakusekera’zvo rega kutsamwa, asi siyana navo.

Usave nyahasha kana matambanezvibhakera,
Nokuti kurwa hakugadziri zvinhu zvikanaka,
Asi kudzima moto nepeturu.
Kutaura izvi ndakabva neko kumhunga hakuna ipwa.
Ndinozviziva zvinorema nokuti kusvosva igo rinokuti ndure-e,
Kutsika chiva chichikukobora, kudenha nyuchi ichikuti ndete-e,
Asi kana ukagona izvi zvese zvichakufambira
Uchiedza kuti vakakusvosva nokukutsika unyarare,
Vakaedza kukutsamwisa kuti ugotsauka panzira tsvene,
Vape dama rakanaka rokugarisana nevamwe zvitsvene
Nokuti kugara muraini hunzwanana nevamwe.
Saka kana vakauya nomutoo upi vachikutsvaga,

Rega kuita hanya navo, asi siyana navo.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Wednesday, July 26, 2017

NGATISIMUKEI TIPINDEWO MUDARIRO!

Zvinondibaya somunzwa pakufunga mutauro weShona,
Kuti sei mhomho nhasi isina hanya neShona,
Isu tichingokurudzirwa nevakatitangira saVaHamutyinei,
Nhoroondo yezvinyorwa zveShona vakairondorodza,
Kurudziro neshuwiro zvavo vakayanika pachena,
Isu tichiramba takati uso pasi tsiki-tsiki
Setisina zvipo izvo zvakangoti matiri tekeshe.
Haiwa! Ngatisimukei tipindewo mudariro!

Makare vaiti vanzwa parira ngoma vaikotonoka,
Munzira tande kunoona zviri kuitika.
Vaona waiona vane zvipo mudariro pindikiti,
Vosimudza makumbo waiona vaoki vangoti mbikiti,
Romuromo hwa maziso angonzi mudariro ndee,
Paigodhigidzwa pasi kudzamara rukuruva rwati mone
Ipapo vaokeri vaishunguvira kupindawo wonzwa vodeedzera:
Hei! Ngatisimukei tipindewo mudariro!

Nhasi tinoti taona mufaro pakaungana mhomho,
Mwoyo inodokwairira kusvikapo nemudongo-dongo,
Kunoti pamuzinda vhu-u wanei chitaurirwa,
Pasingadanwi anonzwa akanzwa mumakuwerere,
Kunoti runopiringisha makumbo, runotsvikidza….,
Imi woye zvinenge zvichida kuzvionera pamhino sefodya.
Makwikwi amasandairira egungwa kuedza kuenderana nevamwe
Sezvo nezvikweya zvichisimuka kupindawo mudariro,
Asi mangwana wozoona dzave shasha dzedariro.

Kudai taidarowo nhasi mudariro rezvinyorwa zverurimi rwaamai,
Tichipitipidzana kupakurira vanhu nhapitapi yerurimi rwaamai,
Tokokawo vamwe kuti uyai titandare mudandaro renhetembo,
Zvino handizvo zvatiri nhasi vana vanhasi,
Takumura wedu mutauro mupfungwa sehanzu yasakara
Ndokuuti kwakadaro kupu munewevatorwa tika.
Ngatidadeiwo nerwaamai rurimi tirimo mudariro
Tikadaro vazhinji vachashunguvira kupindawo mudariro.

Mudetembo ravo ‘ChiShona Kutapira’ vaHamutyinei vanoti:
“Chishona magama anozipa kunge mana.”
Ndiyoka nhapitapi yavatisiira inozipa kunge mana.
“Tinoruda, tinoruremekedza rurimi rwedu,
Tinoruda, tinorufarira rurimi rwedu.”
Vaidaro VaHamutyinei muna ‘Chishona Kutapira.’
Hongu vairuda, vairuremekedza nokurufarira,
Asi vazhinji nhasi havarudi, havaruremekedzi kana kurufarira
Ini ndichivadaidza kuti simukai tipindewo mudariro!

Vakataura nemuti mukanwa VaHamutyinei pavakati:
“Kuda tichaonawo munyori anobva pamushana.”
Hezvi ndiripo nhasi ndinoshuva kutandadzana.
Zvizere zvipo matiri asi tinokundwa nenyadzi.
Chikotonokai mose mukunyora tizobvumirana,
Mumabvumira enhetembo dzedu nhetembo tichikandirana,
Kuzoti nenganonyorwa zvedu totandadzana.
Rurimi rweShona ingano dzematambidzanwa
Saka ngatizvikuvei kune vakatanga nevanotevera tigotambidzana
Kusvikira vakawanda vati; ngasimukei tipindewo mudariro!

Vana veZimbabwe torai zviro tikomberane gapu,
Tichiita bishi kubika nhapitapi yeShona.
Tsumo madimikira nenyaudzosingwi tizvipakire,
Pamusoro pazvo totutsira fananidzo negudziramukanwa,
Ukazozviverenga kana nzara ikaruma chikafu unokanganwa.
Zvizhinji zvirimo muShona rurimi rwaamai,
Ngatizvitutsirei tipakurire nyika iri dakunanzva

Kusvikira vazhinji vati; ngatisimukei tipindewo mudariro!

Tuesday, July 25, 2017

ENDA UNDOZVIONERA

Kana uchida kuona mashiripiti,
Mashiripiti akaunzwa nechirungu
Chirungu chakaputsa tsika dzedu
Tsika dzedu dzamatambidzanwa,
Enda unozvionera kudhorobha.
                                                                  
Ukapinda mudhorobha rino neroro,
Unoti kanha nezvaunoona,
Unoshama senyana reshiri ukati tumbi,
Chokwadi vanasikana vofamba vari mushwi!
Kushama sebarwe roiswa mudura,
Anoda kuzvionera mashiripiti aya,
Chokwadi anoenda onozvionera kudhorobha.

Ukazvitevedzera unofa wadzungaira,
Kudzungaira kunounzwa nechirungu,
Chokwadi chirungu chakauya nechirungurira!
Pinda mubhawa ukasati kanha,
Vanongova vaviri-vaviri sehangaiwa,
Asi rudo rwavo handi rweupenyu,
Rwavo rudo nderwechinguvana.

Zviriko zviuya zvakauiswa nechirungu,
Asi ngatizvitore pakanaka tizvikotse
Kututsira padzedu tsika dzamatambidzanwa
Kwete kuti ndiyo shanduko, yekurasa unhu nemukanwa!
Vakomana vachiremberedza mabhurukwa semwana azviitira,
Vasikanawo vachiminura zvekutaridza harare
Hanzi kufambirana nefashoni, muchipfeka zvakadaro?


Dai kuri kare zvikara zvicharura mumasango,
Masango achi maporipotyo namajaraunga,
Nyika isati yarohwa nenyundo,
Nyika isati yaita mhindupindu,
Shanduko asati auya naShandukai
Tichakadekara mune dzedu tsika
Ini ndaipururudza mupururu.

Kana uchida kunzwa yazvo mifananidzo,
Mifananidzo yezvaiitwa nevatana vedu kare
Kufamba, kutaura nekupfeka zvakatsiga,
Majaya nemhandara vachipfimbana zvakatsiga,
Kuroorana vamatongo zvichivabatsira,
Nhunzvatunzva zvadzaizivikanwa hadzaidiwa,

Enda unozvionera kumamuziyamu emuno
Kana kuzvinzwira munganonyorwa dzechinyakare.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudario (c) 2017



Monday, July 24, 2017

HAVANA RUDO

Akati vane mwoyo munyoro ndiani?
Ndiani akati vakavimbika sezuva risingapinduki mafambiro?
Mafambiro avo akaaona kururama somupuranga ndiani?
Ndiani akati vane rudo runopfachukira?
Nerudo ziendanakuenda sematenga?
Chokwadi ndechokuti havana rudo.

Munogondidzvokora semusingandizivi sei?
 Zvamunogoti kanha semusingazivi vandinoreva?
Imi nhambo dzose muchigara navo.
Ndinoreva ivavo vamunogara navo,
Navo zvino vatoti kwandiri ndee!
Zvomongoringa-ringa kutarisana, ndinoreva imi!
Chokwadi ndakazviona vakadzi hamuna rudo!

Kuramba tana asi mwoyo iri kureva,
Munoti ngei imi murimi vanamuparanzvongo!
Ndine zvikonzero dungwe rakati rongondo!
Nerimwe gore remakore eujaya hwangu,
Mumwe akandivimbisa rudo ndamuti kwenyu, hanzi mirira nguva.
Pandakazomuyeuchidza yake vimbiso akanditii?
Hanzi sori hako ndaitamba, ndave nemumwe.

Kuzoti makei ndakaona tsvarakadenga yakado mwoyo,
Mwana wevanhu kunomusvitsa rerudo shoko,
Iye tana, hanzi you are not of my level!
Ini ramutuku, rwemarevhuru handingarugoni,
Heya zverudo kuvanasikana zvoenda nemalevels!
Voda varume vane zvinhu zvavo vanasikana
Havachadi cheziya kana chekukomberana
Zvekuti angu maoko ndakasimudza saPirato.

Zuro ndizuro mumwe akaputsa hari,
Ndaiva ndoti ndazviwanira munyoro,
Mushayachishonhwa ishwa inodyiwa namambava,
Kusaziva munhoroondo yeupenyu hwake mune zvivavanzarikwa,
Akandirukira nyaya yekuvanza zvaari hanzi ndakambobhinyiwa,
Asi sezvo rinamanyanga risingaputirwi mumushunje,
Tave mumba bhegi rakabvaruka rikabudisa zvivanzarikwa.

Raiva deze rakabuda hukwana makei,
Zuru rakapinda nyoka mashambanzou,
Aiva aputsa hari nokuda kuravira gapu mbishi
Ndokusara abata chipenga chisisina chiremera.
Ukuwo mwoyo ane wakaoma sedombo,
Wakakwashararazve sebwe reman'a
Apa ruremekedzo haana ndiChipaumire!

Ndizvozvo zvikonzero muyangu hombodo,
Kutsi kwayo hombodo yemwoyo ndiko zvigere
Zviitwa zvenyu vakadzi kwatiri varume zvikukutu,

Zvazondirevesa nhasi kuti vakadzi hamuna rudo.
Ko ndiani angarambe kuti havana rudo?

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...