VanaMutumwapavi
neSindire (SHE Practitoners and Safety)
Zvatati ngwanda-ngwanda pano tiri vanamutumwapavi,
Kundima dzedu ndiko kune nvimbovi,
Nzvimbovi idzi ndiwo mariva akamirira kutaka
vashandi.
Vashandi vanoda kurumwa nzeve nesu vanamutumwapavi
Sezvo vasingazivi vachinzi ngvadzidziswe,
Ngatidzidzisei vashandi zvavari bango rokutanga
remakambani.
Ngatigadzirei nvimbouya panzvimbo penzvimbovi,
Ndizvo saka tati ngwanda-ngwanda kudai saana
muzvinafundo,
Kuti timbozeya zvehondo yedu nemhandu –
Njodzi.
Ngatimbonyatsopenengurai nekunan’anidza hwayo
unhu,
Mukazviongorora munoona kuti haina unhu,
Paya yakatifuririra umwe hunzi gurira unokurumidza
kusvika,
Asi nekuti kumhanya handi kusvika
Akagurisirwa upenyu panzira asina kusvika.
Riyazve gore takava nendamba muvashandi,
Tikazonzwa yochema kutakanurwa naVaMutakiwa.
Ngatitsiurei idzi ndamba dzisazoyeuka Sindire
dzatakiwa.
Nekuti tiri nharirire dzevashandi kuti vasazotakwa,
Pamwe nekuongorora njodzi dzakavavandira
Dzisati dzavataka ngatidzifumure.
Zvatiri nharirire dzevashandi isu vanamutumwapavi,
Hatiti kuraira ndamba raira yatakiwa
Asi tinokwetsura huwi yechenjedzo kuvashandi,
Kuti vatore matanho ekuzvidzivirira kunjodzi
tangodziona.
Hatichamiriri kubondera sezongororo
Nekuti chakatanga ndochakatichenjedza nechekare.
Hatitenderizve mhandu kutifuta takavarirwa,
Saka ngatigarei takati kwangwa seuto raona
mhandu
Yedu hondo haina sarendi seyamajarimani
Kusvikira yedu mhandu yati mbombombo.
Sindire harisi basa, asi inzira yokurarama.
Asi redu basa, kudzidzisa vanhu iyi nzira
yokurarama,
Inzira yokurarama vachishanda,
vasingakuvari
Nekuti zvinogoneka kushanda pasina anokuvara.
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudariro (c) 2017