Friday, June 30, 2017

VANAMUTUMWAPAVI

VanaMutumwapavi neSindire (SHE Practitoners and Safety)
Zvatati ngwanda-ngwanda pano tiri vanamutumwapavi,
Kundima dzedu ndiko kune nvimbovi,
Nzvimbovi idzi ndiwo mariva akamirira kutaka vashandi.
Vashandi vanoda kurumwa nzeve nesu vanamutumwapavi
Sezvo vasingazivi vachinzi ngvadzidziswe,
Ngatidzidzisei vashandi zvavari bango rokutanga remakambani.
Ngatigadzirei nvimbouya panzvimbo penzvimbovi,
Ndizvo saka tati ngwanda-ngwanda kudai saana muzvinafundo,
Kuti timbozeya zvehondo yedu nemhandu – Njodzi.

Ngatimbonyatsopenengurai nekunan’anidza hwayo unhu,
Mukazviongorora munoona kuti haina unhu,
Paya yakatifuririra umwe hunzi gurira unokurumidza kusvika,
Asi nekuti kumhanya handi kusvika
Akagurisirwa upenyu panzira asina kusvika.
Riyazve gore takava nendamba muvashandi,
Tikazonzwa yochema kutakanurwa naVaMutakiwa.
Ngatitsiurei idzi ndamba dzisazoyeuka Sindire dzatakiwa.
Nekuti tiri nharirire dzevashandi kuti vasazotakwa,
Pamwe nekuongorora njodzi dzakavavandira
Dzisati dzavataka ngatidzifumure.

Zvatiri nharirire dzevashandi isu vanamutumwapavi,
Hatiti kuraira ndamba raira yatakiwa
Asi tinokwetsura huwi yechenjedzo kuvashandi,
Kuti vatore matanho ekuzvidzivirira kunjodzi tangodziona.
Hatichamiriri kubondera sezongororo
Nekuti chakatanga ndochakatichenjedza nechekare.
Hatitenderizve mhandu kutifuta takavarirwa,
Saka ngatigarei takati kwangwa seuto raona mhandu
Yedu hondo haina sarendi seyamajarimani
Kusvikira yedu mhandu yati mbombombo.

Sindire harisi basa, asi inzira yokurarama.
Asi redu basa, kudzidzisa vanhu iyi nzira yokurarama,
Inzira yokurarama vachishanda, vasingakuvari
Nekuti zvinogoneka kushanda pasina anokuvara.


NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudariro (c) 2017

Wednesday, June 7, 2017

REGAI DZIVE SHIRI

REGAI DZIVE SHIRI
Chokwadi vanhurume vanodarireiko isu vanasikana vechidiki kutipwanya tichi mazai? Zvatichine mukaka pamhuno namapfupa matete senhinjana, vanoadii kumbotiregerawo tikakura? Zvavanotichacha tichiri majeza vanodii kumbotiregawo tasvika sedzimwe ipwa? Iwo makava epwa akambozonaka riini? Kana dai hazvo achivanakira handiti anorwarisa nenduru? Asi ivo kunyange zvakadaro vanotibata votimbunyikidza tichi vadiki. Mwoyo yavo hairwadziwo here vachibhinya isu hanzvadzi dzavo pakuberekwa? Vamwe vavo vatori vana baba kwatiri asi havaiti saana nyakubereka. Dai zvazvo vachizviita tawirirana taiti zvimwe maisokwadzo. Zvino kutivandira here musango nemune dzimwe nzvimbo dzatinoshaya rubatsiro sevanovhima mhuka? Chokwadi moyo yavo yakaoma sematombo, yakasindimara nokukwasharara semakwati emutondo.

Zvese izvi zvaingunojijana mumusoro mangu ndakabitirirwa neshungu nekuda kwezvakanga zvaitika muupenyu hwangu rimwe gore. Gore iri ndakanga ndava chimhandara choputudza, ndotanga kurongedza chipfuva zvaiyevedza. Chikuriro changu ndakanga ndadzidziswa kuzvibata ndikazvipira kuti hwangu umhandara hahungoenda zvenhando. Ndaitofanira kuzvibata nokuchengetera achazondiroora nomuchato chimanda chake. Ndakanga ndava mugwaro rechinomwe mukotoro yetatu. Vaindiona vaibvuma kuti pandiri pari kusimuka tsikombi, tsvarakadenga yemhandara. Zvino hari yakazoputsika rimwe zuva ndichibva kuchikoro. Sezvo yakanga yava kotoro yetatu mugwaro rechinomwe, takanga togadzirira mazamanishoni ekupedza dzidzo yepuraimari. Taifumobata jongwe muromo kuenda kuchikoro vamwe vasati vatanga, tichizopedza zvakare manheru vamwe vapedza kare.  Tariro yose iyi yakazomedzwa nerimwe zuva remakore ekuyaruka kwangu.

Samazuva ose, pazuva iri ndakamuka runyanhiriri ndogadzirira kuti ndiende kuchikoro. Ndapedza kupurura makumbo nekumeso, ndakapfeka rokwe rechikoro ndokudya. Ndakachizoti tande munzira ndonanga kuchikoro. Rwendo urwu rwaindisvota nekuti muraini redu ndini ndoga ndaiva mugwaro rechinomwe, saka mazuva ose ndaigaronzunzutira ndoga mangwanani nemanheru. Zvisinei, ndakaenda kuchikoro zvakaisvonaka, ndokudzidza samazuva ose. Pakaregedzwa vamwe isu vaiva mugore rechinomwe takasara tichiverenga ndokuzobuda panguva dzenhanhatu manheru. Taitozofamba kwati zvarara tichizosvika kumba ruvhunzavaeni. Ndakaparadzana nevamwe ndoti zoo nerwangu rwendo. Ko ndaizivei zvangu kuti ndakamirirwa nejambwa?

Pandakaonekana nevamwe hana yangu yakatanga kubika manhanga. Ndakanga ndotya nekuti kwakanga kwasviba, sezvo ndaisigarotsindidzwa kuti munhu wemusikana haatenderwi kufamba kwavira. Ndaiudzwa kuti pane zvakawanda zvakashata zvinogona kuitika kana ndikajairira tsika yokufamba usiku. Izvozvi ndizvo zvaiita kuti hana yangu iridze mbakumba muchipfuva changu pandainzunzutira nzira kuenda kumba kwati zvarara. Ndakatanga kumhanya ndichiteruka guvi rekubva kuchikoro ndokuriti yambu. Ndati kwidzei ndakatanga kufamba asi ndichikanda minhasvu yakati kurei. Ndaingoitira chete kuti nditi turei befu pamukwidza wokubuda muguvi umu ndozorusimudzira zvangu rwokumanya ndasvika pakateramira. Ndakazoti ndasvika pachipani chemibhondo ndokurusimudzira ndonanga mugwagwa waipfuura nemhiri kwerwizi rwaive pedo nemisha yekwedu. Pandakanga ndoona mugwagwa ndakatanga kufamba ndakadzikama. Ndaizviudza mupfungwa kuti kana ndikangoyambuka mugwagwa chete, hapachina chandichatya nekuti ndinenge ndava kumba. Kana ndikawana chinondiwana ndinokwanisa kudanidzira vekumba vakandinzwa. Ndakanga ndoona utsi hwemoto wamanheru kuti pwititi- pwititi, zvitaitai ndizvo zvaingoonekwawo nechekurwizi kuti tai-tai.

Ndiri mubutiro repfungwa kudaro ndakaerekana ndanzi dzvi nechemuno mumazamu umu. Ndakanga ndaita zvokumoneredzwa neruoko ndakatsimbirirwa maoko pamuviri. Rumwe ruoko rwakanga rwakandivhara muromo kuti ndisaridza mhere. Ndakaedza kuvhazuka ndikanzwa kuti ndakanga ndasungwa neutare chaihwo. Ndakavhura maziso zvishoma ndokutarisa ruoko rwaipfuura nepamazamu angu ndikaona riri rino zioko rinenge bango repadanga remabhiza. Ndainyatsonzwa kuti ndabatwa nehwindimukwindi yerume. Ndakaedza kuridza mhere asi hapana kwakaenda izwi rangu sezvo ndakanga ndakavharwa muromo.

Nenguva isipi ndakanzi hwetu ndikanzwa ndava mumhepo ndikatanga kukava-kava ndichiedza kutsvaka pokutsika. Ndaikava zvikwenzi nemadzinde euswa ndikaziva kuti ndaiendwa neni musango. Mushure mekanguva ndakanzwa tati pasi zhokoto. Ndakanowa nemusana ndikanzwa kudzimba kwaibva kutsoka kuchikwira nemupata wemusana kusvika mumusoro nechekugotsi uku. Ndakanzwa musoro wangu kuzeya ndokutanga kupera simba. Rume riya ndakarinzwa kugomera richinditsimbirira ruoko rwangu rweruboshwe nebvi, zioko rake rerudyi rakabva randipomba nerengenya guru rehembe kubva pamuromo richitenderedza musoro wangu nekugotsi. Ndairinzwa kufemera pamusoro, rakanga roita serasvikirwa neshavi. Rokwe rechikoro randakanga ndakapfeka rakabva rabvarurwa nemumupendero wemuchiuno umu ndikanzwa mhepo yondipinda kusina kufanira. Mushure menguva tichibidiridzana, ndakanorovera nemusoro padombo raiva pedyo nesu ndokunzwa kupera simba. Mumaziso ndakatanga kuona madzerere ndokuti rukutu ndakadaro. Hapana chandakazonzwa zvekare kunze kwemarwadzo andainzwa sekurota.

Ndakazopepuka pave paya ndopindwa nechando. Ndakavhunduka ndichiona kuti ndiri musango ndikazvishaira shumo yazvo ndokungooma muromo ndakadaro. Ndakazvitarisa ndikaona ndakashama kubva muchiuno umu zvichidzika, kumusoro mabhatani edhirezi rangu rechikoro akanga adambuka ndangoshama. Ndichingunozvitarisa kudaro ndakabva ndaona ropa rakanga raerera pasi sepabaiwa nhongo. Hana yangu yakati tigu ikatanga kubika manhanga ndikabva ndatanga kurangarira zvakanga zvaitika. Ndakaedza kusimuka ndikatadza, ndakanga ndonzwa kureruka kwandisati ndambonzwa muupenyu hwangu hwese ndikabva ndaziva kuti mbariro yeumhandara hwangu yakanga yadamburwa. Ndakaridza mhere ndichizvibonderedza pasi neshungu. Chokwadi rume iri ranga rashayei kuzochiva ndumure yakaita seni?


Vakazokoromoka vanhu vemumana mandaigara pamwe nevabereki vangu kuzoona chakanga chatora nzvimbo wanike mvura yeguchu yakanga yadeuka kare. Ndakanga ndatova zuru rapinda nyoka. Deze zvaro rabuda hukwana mashambanzou. Kunyange zvazvo nhunzvatunzva iyi yakazobatwa yaitova munhu wekuziva, haana kumbogara mujeri kana kutongwa zvafanira mhosva yake. Akashandisa mombe dzake nhatu sevharamuromo kumapurisa aichuchisa nyaya yekubhinyiwa kwangu kusvika yazongotsikwa-tsikwa. Vangu vabereki nokushaya chouviri havana kukwanisa kutsvakawo gweta rekutimiririra zvinoita vamwe. Zvakangozopera zvakaremera divi rimwe setsvimbo. Vemutemo vatinotarisira kuti vanotiyamura nekutiruramisira nyaya vadyiwa neuori, pane kuchengetedza mutemo vave kubhadharirwa nekubhadharisa kutendera kutyorwa kwawo. Ini ndini ndakagurwa kunorira, pakuongororwa ndakaonekwa ndava neutachiwana hweshuramatongo. Nguva zhinji zvino ndinogaroshushikana kuti ndiani acharima gura? Dai yaiva iyo nhamo yoga taiti zvimwe, zvino unye hwandakatapurirwa uhwu ndoita zvekudii nahwo? Chokwadi ndakabaiwa panyama nhete. Zvamune vakadzi hamugutsikani seiko nhai vanhurume? Zvamuri madzibaba kwatiri hamuna moyo wokubereka sei? Dai maizoregawozve tiyaruke kwete kutin’urun’uzha tichi majandu. Madii marega dzava shiri nokuti mazai haana muto.   

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...