Monday, November 27, 2017

MASHOKO

Kanda zvako mashoko paunodira
Potsera zvako mafafa nemagaramoyo
Kanda zvako anenge munondo unocheka kwese
Potsera zvako unyatsobaya panyama nhete
Unei nazvo kuti anondigogona ako magaramoyo
Iwo moyo wako wakaoma sedombo!

Vhiya zvako unatsondisasika pazuva
Ndichere zvako urasire zvose zvishonhwa kwandiri
Udaro zvako ndisare ndareruka zvangu sezambuko
Udaro zvako ndisare ndangova rengenya
Unei nazvo kuti panyika ndiri munhuwo ane chiremerera
Chinodawo kuchengetedzwa kuti ndinzi munhu
Iwe uri mugonazvose asingacheuki vamwe!

Kunyange ako mashoko achinge hwenyoka uturu
Achivava senduru kana hurukuru
Uchiita ekurutsa nepamuromo pasingamhari nhunzi
Vazhinji tichisona muromo paunotaura
Nekuti zvemuvare wemashoko zvinotivhiringa
Rimwe zuva uchawana gone wakowo

Nekuti gone ana gone wakewo.


NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro @ 2017

NDINONZWA

Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mumboteyawo nzeve kuzvandinonzwa
Dzimwe nguva sendisiri munhu ndinonzwa
Kupera simba kunge ndoda kupepereka
Ndovhunduka zvinoti kwatara ndisina katurike.

Ngoma kurira muhana ndinonzwazve
Sendine mhosva ndomboringa-ringa
Hana yangu manhanga yombobika
Sendatarisana neshumba chikara
Ndinonzwa ndobvunda serutsanga mumvura.

Sendamwira magopwe mashoko
Anondizarira zvonditi rukurira munduri
Ndonyandura saka ndichinzi Nyanduri
Nekuti nduri ndinonzwa dzichidururwa mandiri
Saka ndinzwei mandiri mune zvandinonzwa.

Ndinonzwa zevezeve munzeve
Vataurire vateye nzeve
Ndivapakurire mupakwa wamangwana
Mangwana vasapingwa nemutanda wazuro
Zuro vakandinyira nzeve nawo vakapingwa.


Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mukaona ndonyandura zvimwe ndanzwa
Kurudziro yezvamakambobata zvakanaka
Nemaungira emhosho dzakamboitwa.
Zviuya zvichauya ndinonzi ndikuzivisei
Chenjedzo yekuti mucharike mitanda
Ndinonzwa zvichindisunda
Kuti nyora, nyora ramba uchingonyora!

Ndinonzwa kuti nyora, saka ndiri munyori!


NaNtanduri Tafazdwa Moyo
#Tipindewo Mudariro! @ 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...