Thursday, May 25, 2017

MAKANDISIIREIKO?

MAKANDISIIREIKO?

Makandisiireiko nhai amai?
Muchienda kune isingadzokwe nyika,
Nyika yevakasara vachichemwa pasi,
Pasi pasisina ani achavarangarira,
Chokwadi makandisiira nhamo,
Nhamo iye inonamira seurimbo.

Makati wosara uchizvibatsira netumombe twuye
Asi nevanozviti vangwaru, twakarova!
Kurova sekurova kwamakaita imi pasi,
Pasi pano pane zvigumburo
Asi semupfuuri ndinotarisa ndichisiya,
Ndichisuwa kuuyawo kwamakazorora ikoko.

Pasi pano panonditambudza seuya arumwa nejuru,
Panondidzungaidza semhou yarasa mhuru,
Ndave kunge rombe riye romunzara
Pandinofunga chaizvo kuti makandisiireiko?
Parere nzuma inofunga mudyi wenyanga dzayo
Pandiriwo ndakasuwa ndinofunga chakakudyai.

Ndava kufamba ndichingori musvo,
Vamwe vachifamba vane zvinoyevedza,
Chinondidaro ndiyo nhamo yamakandisiira,
Asi ini ndinongotarisawo zvangu ndichisiya,
Ndinoziva kuti zvose zvichapera,
Ndichafugawo zvinoyevedza nengirozi,
Vaye mbozha dzave tsuro zvadzo
Nokuti ushe madzoro hunoravanwa.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Wednesday, May 24, 2017

PASI PAPINDUKA

PASI PAPINDUKA
Chhokwadi pasi paita mhidigari, shandukuminya. Zvanga zvakaita nyika pamakore makumi mashanu apfuura sandizvo zvairi nhasi. Vana vedu nhasi vokura vasingazivi netsuro zvayo. Mhuka zhinji vave kungodzizivira mumapeji amabhuku. Kuvataurira zvamadzivabenzi kwavari ingano chete. Michero yemusango vongoziva iwo mapfura namatohwe. Masango vanoazivirepi ivo vongoona mapani anenge munda warimwa nhasi. Makomo angova maparavara saCheguma wavevurwa vhudzi. Kumisa nyika yanhasi popo, yazuro popo mutsauko unoti tsvata pakare. Pava nemukaha mukuru kwazvo pakati penyika yanhasi neyazuro. Asi hazvina kungozviita zvoga sekupindana kwamazuva. Kuwanda kwedu vanhu, zvatinogadzira namabasa atinoita ndizvo zvaunza mukaha uyu pakati penyika mbiri idzi.

Nyika yakanga izere nenzvimbo dzisina aigara. Nzvimbo zhinji aive majaraunga namaporipotyo amasango azere mhuka nezvikara zvesango. Dzimwe aiva mapani ziendanakuenda akafukidzwa neuswa uteputepu nemiti mizhinji seGuruuswa. Dzimwewo aive makomo akafukidzwawo nemitogotogo yemiti chetechete sekumakomoyo. Dzimwe dzaingovawo nzvimbo dzezvuru zvina matenhere efomwe nerukato. Hawaiona ivhu risina kusimira zvatinoona nhasi izvi. Waigona kufamba mitunhu nemitunhu kwamazuva usina kusangana kana nemunhu mumwe chete zvake. Nekupindana kwamazuva, vanhu takatanga kuwanda panyika. Kuwanda kwedu kwaikonzera kuti titsvakewo nvimbo dzakakura dzokugara nekurima. Takaramba tichiberekana kusvika nhasi woti pawangofamaba unoona musha kana kusangana nemunhu. Mhiri kwamakungwa vakasvika pakutovaka dzimba dzemidurikidzwa kuti vakwane. Ikozvino chipuka chinonzi munhu chazara pose-pose, zvotoshamisa kuwana nzvimbo isina munhu. Kana kunovo dzimba dzemidurikidzwa dzakatotangwa kuvakwa, nzvimbo dzekuvaka dzonetsa kuwana segoridhe.
Nekuda kwekushomeka kwenzvimbo dzekurima takapedzisira torima mumakomo nemudzinga menzizi. Zvino kana mvura youya yaizokukura ivhu riya munzvimbo idzodzo richinovhara nzizi namadziva adzo. Saka muchiona nhasi nzizi namadhamu angova majecha. Nzvimbo dzataitema tichitsvaka pekurima dzakasara ava mapani nemiparavara yamakomo asina zvaanazvo. Taitiwo patasvika tovhima mhuka tichitsvaka nyama, matehwe nezvimwe zvatingada zvinowanikwa padziri. Mhando zhinji dzakaurawa dzikasara dzashomeka, dzimwewo ndokutiza kuenda kure-kure. Ikozvino mhuka hadzichangoonekwi pose-pose, kuvana vedu zvotoshura kudziona pose pose. Chavanoziva kuti mhuka dzinongowanikwa chete munzvimbo dzinochengeterwa mhuka.

  Chimwe chaunza shanduko pasi rino kushaya hanya kwedu savanhu. Apwitititsa fodya yake anongoposhera chigusvani kure nomoto wacho. Avesavo moto kuti adziigwe pachiteshi anongosiyavo zvakadaro, kana mhepo yovuya zvayo sango ronganduka. Anotemavo munda anotema nepaasingadi kurima. Marara tichingorasha pose-pose neasingavori. Vehama ngativei nehanya nenharaunda yedu tiichengetere vana vedu navose vachatevera.

 Mabasawo atinobata savanhu ndiwo mamwe akonzera shanduko panyika. Manjeremupengo edu nhasi otiparira. Takaumba makambani ekugadzira zvinhu zvakasiyana-siyana nemichina, anova maisokwadzo. Asi mhezi zvoyovavira muura tichaikwenya sei? Utsi hwunobuda mumakambani okugadzira zvinhu aya ndihwo hwotikanganisira mamiriro ekunze nhasi. Zvimwe zvezvatinogadzira ndizvo zvinotikanganisira nharaunda nemamiriro ekunze. Ndizvo saka zuva robanda zvakanyanya kusiyana nakare. Ndizvo sakawo nemvura isisanayi nenguva yakafanira, mwaka yasanduka nenzara yawanda panyika. Tava kurumwa nechatakazvicherera toga. Takazvipinza murufuse rwotodai kuchema nhasi tiri marwuri.

Vehama, tadarirei kutema bazi ratakagara tichizvipfakaidza panyanga dzamushore. Ngatibatanei kurwisa kusanduka kwamamiriro ekunze. Makambani ekugadzira zvinhu anosvibisa mhepo nenharaunda taramba. Makambani emigodhiwo tiakurudzire kuchera zvicherwa nenzira dzisingakanganisi nekusvibisa nharaunda nemhepo. Tose ngatiitei mushandirapamwe pakudzvara nekusima miti. Tichiyeukawo kusashandisa mishonga nezvimwe zvishandiswa zvinokuvadza nharaunda nekusvibisa mhepo. Tikangodaro vana vedu tinovasiirawo nhaka yenyika inoraramika mairi.
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

SEKURU NAVAZUKURU MUDARE

SEKURU NAVAZUKURU MUDARE
“Regai ndikuudzei vazukuru zvataiitawo paudiki hwedu, zvikuru sei mitambo yataitamba tichiri pamazera enyu aya.” Vakadaro sekuru vachigumhanisa zvitsiga zvomoto zvakanga zvopwitititsa chiutsi mudare. Twumisodzi twaionekwa kuyangarara mumaziso avo akanga akazara maranga aisapera muswere wose wezuva. Vakanga voonera pedyo, zviri kure vongoona madzerere. Ganda ravo rakanga rakakwa netukoronga, raunyana nekusvava semasau anikidzwa pazuva. Pfupa ravo raikuudza wangovati ba-a kuti apa paiva nezvehwitakwi yerume, hamburamakaka chaiyo. Izwi ravo raiva rashoshoma richinzwikwa mazhwarara pakutaura sevakagarwa nechikararwa pahuro.

Sekuru vakanga vavaka dare ravo necheseri kwemba yokubikira kuri kumabvirazuva kwemusha wedu. Takanga tatanga kugara navo makore mashanu apfuura pakashaya mbuya vedu mudzimai wavo vanova mai vababa vedu.  Dare iri vakanga varivaka mazuva atatanga kugara navo vachiti hazvaibvumidzwa kuti murume agare mumba yokubikira, zvinopa utera nokukara, uye vaiti hazvaibvira kuti varindire muroora wavo vanova amai vedu vachibika mazuva ose. Imomu mudare iri ndimo matakanga takati chechetere ini nefurere ravanin’ina vangu tiri mhiri kwechiveso. Zuva iri takanga takurumidza kudya ndokukurumidzawo kuenda kuna sekuru kuti vatiudze ngano semazuva ose. Taigara mudare umu manheru oga-oga tichiudzwa ngano nenyaya dzechinyakare nasekuru. Mudare umu maigara isu vazukurukomana chete. Hanzvadzi dzedu dzainzi endai mundobatsira vana mai kubika nokusuka migoti.Mazuva aya takanga tauya kumusha tiri dungwe revazukuru rakati rongondo tichibva kudhorobha kwataigara sezvo raiva zororo guru rekisimusi.

Ini nefurere ravanin’ina vangu takanga tachiti zvino kwaka samakwari aona gondo tiri kune rumwe rutivi rwechoto. Sekuru vakanga vakagara kune rumwe rutivi rwechoto takatarisana navo. Vakanga vakagara pachituro chavo chedanda chakanga chakavezwa zvakaisvonaka, chichitsvedzerera. Sekuru vakatsvaira chikararwa chaiva pahuro pavo vakachisvipira muchiveso. Vakakura dota ndokuchifusira naro. Vapedza vakazendama namadziro ndokutura befu vachibva vapfuurira zvavo mberi nokutsanangura nyaya yavo. “Zvamunoona vazukuru, chinokura chinokotama musoro wegudo chava chonokoro cheupfu. Ndaivawo chikomana chakakura chiri chivhindikiti. Takakura tichifudza mombe kwete zvenyu mongoswera muchiokera terevhizheni nekutsvaira foni dzakazouya idzi. Wakamboionepi foni isina mabhatani ekubaya, inongoita zvekutsvairwa? Hai ah! Chave chirungu chino.”

“Sevanakomana, taidzidziswa kufudza mombe nemamwe mabasa echirume kubva tichiri vadiki chaizvo. Zvainzi murume anofanira kukura akasimba uye achigona kuita mabasa mazhinji kuti agogona kuriritira mhuri yake mangwana. Taidzidziswa kutema huni; kupfirira dzimba; kuvaka matanga; kuvhima; kuredza hove nekusunga madhonza emombe. Saka mukomana aikura asingagoni zvandataura izvi aitorwa semukadzi kana mbwende. Zvino ini zvandataura zvose izvi ndakazvigona ndichiri mudiki chaizvo, ndaive mhare chaiyo ndichitoverengwawo pane vamwe varume. Tisu varume vaiverengwa kwete zvamazuva ano zvekungonyorwa pazvimbuzi. Pakati penyu pane anogona chimwe pane zvandataura here apo?” Vakadaro sekuru vakandidzvokora mumaziso chaimo. Vakabvisa meso avo pandiri ndokuati dza-a pamunin’ina wangu ainditevera. Vakapfuurira mberi vachienda nemazera edu kusvika pane wekupedzisira patiri tose. Vaiita kunge vari kuona bhaisikopu patiri. Ipapo vakabva vaseka zvavo kasetswa kaye kekutinzwira tsitsi vachidzungudza musoro segwaimani rapindwa nenhunzi munzeve.
“Regai yemabasa ichisiya matambo. Mungazoti nhasi sekuru vanesu, kwanga kuri kungokunyeurirai mabasa aitarisirwa kugonekwa nemurume pasichigare. Regai zvino ndichikuradanururai mitambo yataitambawo makore edu tichiri pamazera enyu aya. Taiti kana ava masikati taiwanzoenda kurwizi kunobhaguja. Nyadzira rwamunoona ava majecha nhasi urwu rwaiva namadziva anotyisa. Maizvizivawo here kuti madziva anotumidzwa mazita?”
“Aaaa! Anotumidzwa mazita?” Takabvunza pamwe chete sekwaya.
Ee-e! Kwaiva nedziva rokwaMavato, koita rokwaKondo kwozouya rainzi China nerimwe rainzi Chishanu. Vaisagona kudhidha vaiberekwa nevamwe vonosiiwa pakadzika, waizobatsirwa nevamwe wambomwira magopwe kana kuti zvikapu zviviri kana zvitatu. Taiitazve makwikwi pakubhaguja, uye taikwikwidzana zvichienda nemabhagujiro. Bhangu, kunyurira nengege ndidzo dzimwe mhando dzemabhagujiro. Zvino kudhidha hakwaibvumirwa kuvana vadiki nokuti vaizopindwa nemakonye anokonzera bhiraziya uye vaizonyura vakafira mumvura. Saka vadiki vaingodhidha chete kana vabvumirwa uye pane vanhu vakuru vanenge vachitarisa kuti muri kutambira mutudzivasingwi. Asi zvisinei, pwere dzine misikanzwa dzainvenga dzichinobhaguja zvisina mvumo. Zvino imi ndikanzwa kuti maenda kunobhaguja kurwizi ndinokugogodzai misoro iyoyo netsvimbo yangu iyi, mazvinzwa? “Hongu sekuru!” takapindura tese takadzima.

“Zvakanaka. Kwaivazve nemutambo wetsoro. Tsoro dzataitamba dzaiva nemhando mbiri. Kwaiva netsoro yemakomba, kozoti tsoro yedhafuta. Asi yedhafuta yakazouya pava paya.”
 “Munoreva draft here sekuru?”  Kakapindira kagotwe patiri tose kachiseka.
“Hongu ndiyoyo, chiteererazve unzwe mimwe mitambo yaivako. Kwaivazve nemutambo wekusika nyimo, uyu taiwanzoutamba zuva rorereka kumapani mombe dzaguta. Zvino taizoti anenge akundwa ndiye aienda kunodzora mombe. Isu vamwe zuva raindovira tisina kudzora. Taigona zvekare kurwisanisa mombe. Taitambawo zvakare fombo netsiva, asi mutambo wetsiva hauna kunaka nekuti unokonzera ruvengo mumana. Unokonzerawo mavanga pamwe nemweya weumhondi. Musagara muchirwa vazukuru zvataiita isu kare.

Pakupedzisira, zuva ragara gomo toda kunotenhera zvipfuyo taitanga kutamba mhonjeka. Uyu mutambo waitambwa nevakomana vati samhukei. Waiva mutambo waitambwa netsvimbo. Tsvimbo imwe yaipotserwa mudenga, umwe neumwe ari muchikwata ovhiriritsa tsvimbo yake kuedza kunhemba tsvimbo iya yakandwa mudenga. Anenge aitema ndiye anenge akunda. Tairamba tichidaro kusvika taona ane zvibodzwa zvokukunda zvakawanda. Ko okotsira uyo ndiani? Ndakacheuka ndokuona munin’ina wedu uye gotwe achiita kunge chitube chechiredzo chochonyera hove. Ipapo sekuru vakabva vati’ “Regai ndichikombera ndichiti iriko mitambo mizhinji yataitamba yaiita kuti tikure takagwinya asi ndava kugumira pano nekuti munenge mava kuda kurara. Mangwana ndine ngano inofadza kwazvo, asi ndinotanga nekubvunza mibvunzo pamusoro pezvandakutsanangurai nhasi. Kana musina kugona handikuudzei ngano iyoyo. Toonana mangwana vazukuru.”
“Zvakanakai sekuru!” Takadavira tichisimuka toenda kunorara.
NaNyanduri Tafazwa Moyo
(c) 2017

MASHOKO EUCHENJERI

MASHOKO EUCHENJERI

Mashoko euchenjeri handi ekumhura
Izvo zvinobatwa nevamwe mumakura
Kana zvasungwa nembariro dzemisoro yevamwe mumana.

Mashoko euchenjeri ndeekupanga mazano mumana,
Mashoko ekurudziro kuvabati vazvakarurama.
Handi ekufurira mashoko euchenjeri,
Euchenjeri ndeekuyambira zvisina unyengeri.

Mashoko euchenjeri handi ekugodoka,
Mashoko erumbidzo dzezviuya parinodoka.
Handi anokwenenvera paresveka nekupan’en’eredza,
Ndeaya anoti dyo-o pachokwadi somunondo
Kuitira kuumba mamana asave nehondo.

Euchenjeri mashoko handi ekurwadzisa,
Ane vimbiso nesimbiso ndiwo euchenjeri.
Haasandurwi nenvimbo nezviitiko iwaya mashoko,
Mashoko anoramba akajeka sezuva,
Sezuva risingapinduki mafambiro naiwowo haapinduki.

Haasi ekuparadza euchenjeri mashoko,
Mashoko eumbiridzo pane zvoda kuparara.
Mashoko euchenjeri handi egakava pakutsiurwa,
Euchenjeri anobvuma ari manyoro seemukoti.
Euchenjeri mashoko handi ekuzvitutumadza,
Ndeaya ekupa mbiri kuMusiki pakubudirira.

Unoda kuziva kwaanobva iwaya mashoko,
Mashoko asingauyi neungwaru kana nhando,
Mashoko asingatengwi kunyangwe namapondo,
Ndeaya anouyiswa nekutya Jehovha,
Kutya Jehovha zvaariwo mavambo ezivo,
Kutya Jehovha zvariri gapu rine matsvene matauriro,
Matauriro pakati pezvimwe achidudzirawo zvauri,
Zvauri zvichionekwawo nemabasa pakuita,
Ndizvo ugogara nevamwe mukunzwanana

Nokuti kugara muraini hunzwanana. 

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

MHEPO

Aah! Inga unoshamisa chaizvo mhepo,
Handikuoni asi ndinonzwa kuti uripo,
Haubatiki asi ndinoona mafambiro ako.

Ako mafambiro ndinoratidzwa nehuruva,
Miti, kana kwakarerekera uswa
Divi rekwawakatarira ndiro bedzi randinongoziva.

Unozongondikona chete pakusavimbika,
Chero nguva ako mafambiro unopinduka,
Asi kunyange zvakadaro ndinongokuda.

Dzimwe nguva unombondizvimbirisa nehasha,
Paunouya uri chamupupuri nehasha,
Wosiya dzimba wapfurunura, edu meso oshosha.

Dzimwe nguvazve unouya wakatakura hosha,
Asi mauri mune mhepozve kwatiri yakakosha,
Chokwadi katundu kako inhava yebenzi, ine zvese.

Haunazve ruremekedzo iyewe mhepo,
Paya wakafugura ambuya ndiripo,
Zvawakangonyuka nehasha waida titizirepi?

Aah! Tingazvidii uri kitsi isakajairwa?
Kuijaira mangwana fume rava gora,
Asi tisingazodizve kuishaya kunyange zvakadaro
Nokuti munehwedu upenyu chibatsiro,
Ndizvo saka newe tichikuda wakadaro

Nokuti kwatiri vanhu uri chibatsiro.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudario (c) 2017

Friday, May 19, 2017

SHIRI YAKANAKA

SHIRI YAKANAKA
“Shiri yakanaka unoendepi?
Huya, huya, huya kuneni!”
“Ndiri kuenda kumakore
Kuti ndifanane nemakore,”
Sezvo makore akanaka,
Sawo neniwo ndoda kunaka.

Ingava shiri yakanaka,
Kana ikapinda mumakora,
Aye anopona nezvakaora,
Mugumo wazvo kudyawo zvakaora.

Zvingangokufadza kuzvitarisa uchizviyemura,
Asi zvingangokusuwisa kuona uchipfuurwa nevamwe
Sekuti ngoma inorira ichiti pangu-pangu.
Unokwevera mumwe mumatope,
Uchida kuti mufanane, haunyari?
Zano anopangwa ane rake!

Usaita ushamwari hwaana Tangouyawo,
Usaitazve saana Chauyabo,
Asi cherekedza divi rauri,
Nvera hwaro hwehwenyu ushamwari,
 Kana huri hwezvisakarurama, suduruka!
Usiye vaipi vachishamwaridzana pachavo.

Nhunzvatunzva newe nhasi ukama ndagura,
Iwe tora zvakanaka zvako uise muhara,
Usiye uipi zvese nevaiti vahwo zvega,
Unozviziva wani nzivani dzinofura dzoga,
Sezvo shiri dzimwe dzichifambidzana,
Iwe tsvagawo vanyoro sewe moshamwaridzana.

Kuti uzvigone ita seshiri yakanaka,
Zvayakashunguvira kuita semakore kunaka,
Yakasarudza kuenda kumakore,
Kuti pakunaka ifanane nemakore.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...