MAKANDISIIREIKO?
Makandisiireiko nhai amai?
Muchienda kune isingadzokwe nyika,
Nyika yevakasara vachichemwa pasi,
Pasi pasisina ani achavarangarira,
Chokwadi makandisiira nhamo,
Nhamo iye inonamira seurimbo.
Makati wosara uchizvibatsira netumombe twuye
Asi nevanozviti vangwaru, twakarova!
Kurova sekurova kwamakaita imi pasi,
Pasi pano pane zvigumburo
Asi semupfuuri ndinotarisa ndichisiya,
Ndichisuwa kuuyawo kwamakazorora ikoko.
Pasi pano panonditambudza seuya arumwa nejuru,
Panondidzungaidza semhou yarasa mhuru,
Ndave kunge rombe riye romunzara
Pandinofunga chaizvo kuti makandisiireiko?
Parere nzuma inofunga mudyi wenyanga dzayo
Pandiriwo ndakasuwa ndinofunga chakakudyai.
Ndava kufamba ndichingori musvo,
Vamwe vachifamba vane zvinoyevedza,
Chinondidaro ndiyo nhamo yamakandisiira,
Asi ini ndinongotarisawo zvangu ndichisiya,
Ndinoziva kuti zvose zvichapera,
Ndichafugawo zvinoyevedza nengirozi,
Vaye mbozha dzave tsuro zvadzo
Nokuti ushe madzoro hunoravanwa.
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017