Wednesday, May 24, 2017

MHEPO

Aah! Inga unoshamisa chaizvo mhepo,
Handikuoni asi ndinonzwa kuti uripo,
Haubatiki asi ndinoona mafambiro ako.

Ako mafambiro ndinoratidzwa nehuruva,
Miti, kana kwakarerekera uswa
Divi rekwawakatarira ndiro bedzi randinongoziva.

Unozongondikona chete pakusavimbika,
Chero nguva ako mafambiro unopinduka,
Asi kunyange zvakadaro ndinongokuda.

Dzimwe nguva unombondizvimbirisa nehasha,
Paunouya uri chamupupuri nehasha,
Wosiya dzimba wapfurunura, edu meso oshosha.

Dzimwe nguvazve unouya wakatakura hosha,
Asi mauri mune mhepozve kwatiri yakakosha,
Chokwadi katundu kako inhava yebenzi, ine zvese.

Haunazve ruremekedzo iyewe mhepo,
Paya wakafugura ambuya ndiripo,
Zvawakangonyuka nehasha waida titizirepi?

Aah! Tingazvidii uri kitsi isakajairwa?
Kuijaira mangwana fume rava gora,
Asi tisingazodizve kuishaya kunyange zvakadaro
Nokuti munehwedu upenyu chibatsiro,
Ndizvo saka newe tichikuda wakadaro

Nokuti kwatiri vanhu uri chibatsiro.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudario (c) 2017

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...