SEKURU
NAVAZUKURU MUDARE
“Regai
ndikuudzei vazukuru zvataiitawo paudiki hwedu, zvikuru sei mitambo yataitamba
tichiri pamazera enyu aya.” Vakadaro sekuru vachigumhanisa zvitsiga zvomoto
zvakanga zvopwitititsa chiutsi mudare. Twumisodzi twaionekwa kuyangarara
mumaziso avo akanga akazara maranga aisapera muswere wose wezuva. Vakanga
voonera pedyo, zviri kure vongoona madzerere. Ganda ravo rakanga rakakwa
netukoronga, raunyana nekusvava semasau anikidzwa pazuva. Pfupa ravo raikuudza
wangovati ba-a kuti apa paiva nezvehwitakwi yerume, hamburamakaka chaiyo. Izwi
ravo raiva rashoshoma richinzwikwa mazhwarara pakutaura sevakagarwa
nechikararwa pahuro.
Sekuru
vakanga vavaka dare ravo necheseri kwemba yokubikira kuri kumabvirazuva kwemusha
wedu. Takanga tatanga kugara navo makore mashanu apfuura pakashaya mbuya vedu
mudzimai wavo vanova mai vababa vedu.
Dare iri vakanga varivaka mazuva atatanga kugara navo vachiti
hazvaibvumidzwa kuti murume agare mumba yokubikira, zvinopa utera nokukara, uye
vaiti hazvaibvira kuti varindire muroora wavo vanova amai vedu vachibika mazuva
ose. Imomu mudare iri ndimo matakanga takati chechetere ini nefurere
ravanin’ina vangu tiri mhiri kwechiveso. Zuva iri takanga takurumidza kudya
ndokukurumidzawo kuenda kuna sekuru kuti vatiudze ngano semazuva ose. Taigara
mudare umu manheru oga-oga tichiudzwa ngano nenyaya dzechinyakare nasekuru.
Mudare umu maigara isu vazukurukomana chete. Hanzvadzi dzedu dzainzi endai
mundobatsira vana mai kubika nokusuka migoti.Mazuva aya takanga tauya kumusha tiri
dungwe revazukuru rakati rongondo tichibva kudhorobha kwataigara sezvo raiva
zororo guru rekisimusi.
Ini
nefurere ravanin’ina vangu takanga tachiti zvino kwaka samakwari aona gondo
tiri kune rumwe rutivi rwechoto. Sekuru vakanga vakagara kune rumwe rutivi
rwechoto takatarisana navo. Vakanga vakagara pachituro chavo chedanda chakanga
chakavezwa zvakaisvonaka, chichitsvedzerera. Sekuru vakatsvaira chikararwa
chaiva pahuro pavo vakachisvipira muchiveso. Vakakura dota ndokuchifusira naro.
Vapedza vakazendama namadziro ndokutura befu vachibva vapfuurira zvavo mberi
nokutsanangura nyaya yavo. “Zvamunoona vazukuru, chinokura chinokotama musoro
wegudo chava chonokoro cheupfu. Ndaivawo chikomana chakakura chiri
chivhindikiti. Takakura tichifudza mombe kwete zvenyu mongoswera muchiokera
terevhizheni nekutsvaira foni dzakazouya idzi. Wakamboionepi foni isina
mabhatani ekubaya, inongoita zvekutsvairwa? Hai ah! Chave chirungu chino.”
“Sevanakomana,
taidzidziswa kufudza mombe nemamwe mabasa echirume kubva tichiri vadiki
chaizvo. Zvainzi murume anofanira kukura akasimba uye achigona kuita mabasa
mazhinji kuti agogona kuriritira mhuri yake mangwana. Taidzidziswa kutema huni;
kupfirira dzimba; kuvaka matanga; kuvhima; kuredza hove nekusunga madhonza
emombe. Saka mukomana aikura asingagoni zvandataura izvi aitorwa semukadzi kana
mbwende. Zvino ini zvandataura zvose izvi ndakazvigona ndichiri mudiki chaizvo,
ndaive mhare chaiyo ndichitoverengwawo pane vamwe varume. Tisu varume
vaiverengwa kwete zvamazuva ano zvekungonyorwa pazvimbuzi. Pakati penyu pane
anogona chimwe pane zvandataura here apo?” Vakadaro sekuru vakandidzvokora
mumaziso chaimo. Vakabvisa meso avo pandiri ndokuati dza-a pamunin’ina wangu
ainditevera. Vakapfuurira mberi vachienda nemazera edu kusvika pane wekupedzisira
patiri tose. Vaiita kunge vari kuona bhaisikopu patiri. Ipapo vakabva vaseka zvavo
kasetswa kaye kekutinzwira tsitsi vachidzungudza musoro segwaimani rapindwa
nenhunzi munzeve.
“Regai
yemabasa ichisiya matambo. Mungazoti nhasi sekuru vanesu, kwanga kuri
kungokunyeurirai mabasa aitarisirwa kugonekwa nemurume pasichigare. Regai zvino
ndichikuradanururai mitambo yataitambawo makore edu tichiri pamazera enyu aya. Taiti
kana ava masikati taiwanzoenda kurwizi kunobhaguja. Nyadzira rwamunoona ava
majecha nhasi urwu rwaiva namadziva anotyisa. Maizvizivawo here kuti madziva
anotumidzwa mazita?”
“Aaaa!
Anotumidzwa mazita?” Takabvunza pamwe chete sekwaya.
Ee-e!
Kwaiva nedziva rokwaMavato, koita rokwaKondo kwozouya rainzi China nerimwe
rainzi Chishanu. Vaisagona kudhidha vaiberekwa nevamwe vonosiiwa pakadzika,
waizobatsirwa nevamwe wambomwira magopwe kana kuti zvikapu zviviri kana zvitatu.
Taiitazve makwikwi pakubhaguja, uye taikwikwidzana zvichienda nemabhagujiro.
Bhangu, kunyurira nengege ndidzo dzimwe mhando dzemabhagujiro. Zvino kudhidha
hakwaibvumirwa kuvana vadiki nokuti vaizopindwa nemakonye anokonzera bhiraziya
uye vaizonyura vakafira mumvura. Saka vadiki vaingodhidha chete kana vabvumirwa
uye pane vanhu vakuru vanenge vachitarisa kuti muri kutambira mutudzivasingwi.
Asi zvisinei, pwere dzine misikanzwa dzainvenga dzichinobhaguja zvisina mvumo.
Zvino imi ndikanzwa kuti maenda kunobhaguja kurwizi ndinokugogodzai misoro
iyoyo netsvimbo yangu iyi, mazvinzwa? “Hongu sekuru!” takapindura tese
takadzima.
“Zvakanaka.
Kwaivazve nemutambo wetsoro. Tsoro dzataitamba dzaiva nemhando mbiri. Kwaiva
netsoro yemakomba, kozoti tsoro yedhafuta. Asi yedhafuta yakazouya pava paya.”
“Munoreva draft
here sekuru?” Kakapindira kagotwe patiri
tose kachiseka.
“Hongu
ndiyoyo, chiteererazve unzwe mimwe mitambo yaivako. Kwaivazve nemutambo
wekusika nyimo, uyu taiwanzoutamba zuva rorereka kumapani mombe dzaguta. Zvino
taizoti anenge akundwa ndiye aienda kunodzora mombe. Isu vamwe zuva raindovira
tisina kudzora. Taigona zvekare kurwisanisa mombe. Taitambawo zvakare fombo netsiva,
asi mutambo wetsiva hauna kunaka nekuti unokonzera ruvengo mumana. Unokonzerawo
mavanga pamwe nemweya weumhondi. Musagara muchirwa vazukuru zvataiita isu kare.
Pakupedzisira,
zuva ragara gomo toda kunotenhera zvipfuyo taitanga kutamba mhonjeka. Uyu
mutambo waitambwa nevakomana vati samhukei. Waiva mutambo waitambwa netsvimbo.
Tsvimbo imwe yaipotserwa mudenga, umwe neumwe ari muchikwata ovhiriritsa
tsvimbo yake kuedza kunhemba tsvimbo iya yakandwa mudenga. Anenge aitema ndiye
anenge akunda. Tairamba tichidaro kusvika taona ane zvibodzwa zvokukunda
zvakawanda. Ko okotsira uyo ndiani? Ndakacheuka ndokuona munin’ina wedu uye
gotwe achiita kunge chitube chechiredzo chochonyera hove. Ipapo sekuru vakabva
vati’ “Regai ndichikombera ndichiti iriko mitambo mizhinji yataitamba yaiita
kuti tikure takagwinya asi ndava kugumira pano nekuti munenge mava kuda kurara.
Mangwana ndine ngano inofadza kwazvo, asi ndinotanga nekubvunza mibvunzo
pamusoro pezvandakutsanangurai nhasi. Kana musina kugona handikuudzei ngano
iyoyo. Toonana mangwana vazukuru.”
“Zvakanakai
sekuru!” Takadavira tichisimuka toenda kunorara.
NaNyanduri Tafazwa Moyo
(c) 2017
No comments:
Post a Comment