Wednesday, May 24, 2017

SEKURU NAVAZUKURU MUDARE

SEKURU NAVAZUKURU MUDARE
“Regai ndikuudzei vazukuru zvataiitawo paudiki hwedu, zvikuru sei mitambo yataitamba tichiri pamazera enyu aya.” Vakadaro sekuru vachigumhanisa zvitsiga zvomoto zvakanga zvopwitititsa chiutsi mudare. Twumisodzi twaionekwa kuyangarara mumaziso avo akanga akazara maranga aisapera muswere wose wezuva. Vakanga voonera pedyo, zviri kure vongoona madzerere. Ganda ravo rakanga rakakwa netukoronga, raunyana nekusvava semasau anikidzwa pazuva. Pfupa ravo raikuudza wangovati ba-a kuti apa paiva nezvehwitakwi yerume, hamburamakaka chaiyo. Izwi ravo raiva rashoshoma richinzwikwa mazhwarara pakutaura sevakagarwa nechikararwa pahuro.

Sekuru vakanga vavaka dare ravo necheseri kwemba yokubikira kuri kumabvirazuva kwemusha wedu. Takanga tatanga kugara navo makore mashanu apfuura pakashaya mbuya vedu mudzimai wavo vanova mai vababa vedu.  Dare iri vakanga varivaka mazuva atatanga kugara navo vachiti hazvaibvumidzwa kuti murume agare mumba yokubikira, zvinopa utera nokukara, uye vaiti hazvaibvira kuti varindire muroora wavo vanova amai vedu vachibika mazuva ose. Imomu mudare iri ndimo matakanga takati chechetere ini nefurere ravanin’ina vangu tiri mhiri kwechiveso. Zuva iri takanga takurumidza kudya ndokukurumidzawo kuenda kuna sekuru kuti vatiudze ngano semazuva ose. Taigara mudare umu manheru oga-oga tichiudzwa ngano nenyaya dzechinyakare nasekuru. Mudare umu maigara isu vazukurukomana chete. Hanzvadzi dzedu dzainzi endai mundobatsira vana mai kubika nokusuka migoti.Mazuva aya takanga tauya kumusha tiri dungwe revazukuru rakati rongondo tichibva kudhorobha kwataigara sezvo raiva zororo guru rekisimusi.

Ini nefurere ravanin’ina vangu takanga tachiti zvino kwaka samakwari aona gondo tiri kune rumwe rutivi rwechoto. Sekuru vakanga vakagara kune rumwe rutivi rwechoto takatarisana navo. Vakanga vakagara pachituro chavo chedanda chakanga chakavezwa zvakaisvonaka, chichitsvedzerera. Sekuru vakatsvaira chikararwa chaiva pahuro pavo vakachisvipira muchiveso. Vakakura dota ndokuchifusira naro. Vapedza vakazendama namadziro ndokutura befu vachibva vapfuurira zvavo mberi nokutsanangura nyaya yavo. “Zvamunoona vazukuru, chinokura chinokotama musoro wegudo chava chonokoro cheupfu. Ndaivawo chikomana chakakura chiri chivhindikiti. Takakura tichifudza mombe kwete zvenyu mongoswera muchiokera terevhizheni nekutsvaira foni dzakazouya idzi. Wakamboionepi foni isina mabhatani ekubaya, inongoita zvekutsvairwa? Hai ah! Chave chirungu chino.”

“Sevanakomana, taidzidziswa kufudza mombe nemamwe mabasa echirume kubva tichiri vadiki chaizvo. Zvainzi murume anofanira kukura akasimba uye achigona kuita mabasa mazhinji kuti agogona kuriritira mhuri yake mangwana. Taidzidziswa kutema huni; kupfirira dzimba; kuvaka matanga; kuvhima; kuredza hove nekusunga madhonza emombe. Saka mukomana aikura asingagoni zvandataura izvi aitorwa semukadzi kana mbwende. Zvino ini zvandataura zvose izvi ndakazvigona ndichiri mudiki chaizvo, ndaive mhare chaiyo ndichitoverengwawo pane vamwe varume. Tisu varume vaiverengwa kwete zvamazuva ano zvekungonyorwa pazvimbuzi. Pakati penyu pane anogona chimwe pane zvandataura here apo?” Vakadaro sekuru vakandidzvokora mumaziso chaimo. Vakabvisa meso avo pandiri ndokuati dza-a pamunin’ina wangu ainditevera. Vakapfuurira mberi vachienda nemazera edu kusvika pane wekupedzisira patiri tose. Vaiita kunge vari kuona bhaisikopu patiri. Ipapo vakabva vaseka zvavo kasetswa kaye kekutinzwira tsitsi vachidzungudza musoro segwaimani rapindwa nenhunzi munzeve.
“Regai yemabasa ichisiya matambo. Mungazoti nhasi sekuru vanesu, kwanga kuri kungokunyeurirai mabasa aitarisirwa kugonekwa nemurume pasichigare. Regai zvino ndichikuradanururai mitambo yataitambawo makore edu tichiri pamazera enyu aya. Taiti kana ava masikati taiwanzoenda kurwizi kunobhaguja. Nyadzira rwamunoona ava majecha nhasi urwu rwaiva namadziva anotyisa. Maizvizivawo here kuti madziva anotumidzwa mazita?”
“Aaaa! Anotumidzwa mazita?” Takabvunza pamwe chete sekwaya.
Ee-e! Kwaiva nedziva rokwaMavato, koita rokwaKondo kwozouya rainzi China nerimwe rainzi Chishanu. Vaisagona kudhidha vaiberekwa nevamwe vonosiiwa pakadzika, waizobatsirwa nevamwe wambomwira magopwe kana kuti zvikapu zviviri kana zvitatu. Taiitazve makwikwi pakubhaguja, uye taikwikwidzana zvichienda nemabhagujiro. Bhangu, kunyurira nengege ndidzo dzimwe mhando dzemabhagujiro. Zvino kudhidha hakwaibvumirwa kuvana vadiki nokuti vaizopindwa nemakonye anokonzera bhiraziya uye vaizonyura vakafira mumvura. Saka vadiki vaingodhidha chete kana vabvumirwa uye pane vanhu vakuru vanenge vachitarisa kuti muri kutambira mutudzivasingwi. Asi zvisinei, pwere dzine misikanzwa dzainvenga dzichinobhaguja zvisina mvumo. Zvino imi ndikanzwa kuti maenda kunobhaguja kurwizi ndinokugogodzai misoro iyoyo netsvimbo yangu iyi, mazvinzwa? “Hongu sekuru!” takapindura tese takadzima.

“Zvakanaka. Kwaivazve nemutambo wetsoro. Tsoro dzataitamba dzaiva nemhando mbiri. Kwaiva netsoro yemakomba, kozoti tsoro yedhafuta. Asi yedhafuta yakazouya pava paya.”
 “Munoreva draft here sekuru?”  Kakapindira kagotwe patiri tose kachiseka.
“Hongu ndiyoyo, chiteererazve unzwe mimwe mitambo yaivako. Kwaivazve nemutambo wekusika nyimo, uyu taiwanzoutamba zuva rorereka kumapani mombe dzaguta. Zvino taizoti anenge akundwa ndiye aienda kunodzora mombe. Isu vamwe zuva raindovira tisina kudzora. Taigona zvekare kurwisanisa mombe. Taitambawo zvakare fombo netsiva, asi mutambo wetsiva hauna kunaka nekuti unokonzera ruvengo mumana. Unokonzerawo mavanga pamwe nemweya weumhondi. Musagara muchirwa vazukuru zvataiita isu kare.

Pakupedzisira, zuva ragara gomo toda kunotenhera zvipfuyo taitanga kutamba mhonjeka. Uyu mutambo waitambwa nevakomana vati samhukei. Waiva mutambo waitambwa netsvimbo. Tsvimbo imwe yaipotserwa mudenga, umwe neumwe ari muchikwata ovhiriritsa tsvimbo yake kuedza kunhemba tsvimbo iya yakandwa mudenga. Anenge aitema ndiye anenge akunda. Tairamba tichidaro kusvika taona ane zvibodzwa zvokukunda zvakawanda. Ko okotsira uyo ndiani? Ndakacheuka ndokuona munin’ina wedu uye gotwe achiita kunge chitube chechiredzo chochonyera hove. Ipapo sekuru vakabva vati’ “Regai ndichikombera ndichiti iriko mitambo mizhinji yataitamba yaiita kuti tikure takagwinya asi ndava kugumira pano nekuti munenge mava kuda kurara. Mangwana ndine ngano inofadza kwazvo, asi ndinotanga nekubvunza mibvunzo pamusoro pezvandakutsanangurai nhasi. Kana musina kugona handikuudzei ngano iyoyo. Toonana mangwana vazukuru.”
“Zvakanakai sekuru!” Takadavira tichisimuka toenda kunorara.
NaNyanduri Tafazwa Moyo
(c) 2017

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...