Thursday, July 25, 2019

Tipindewo Mudariro!

Tipindewo Mudariro
Tipindewo Mudariro muunganidzwa wenduri dzavana nyanduri vachangotanga. Nguva yati rebei vana nyanduri ava vazara kuti shaku nemanyukunyuku ekupindawo mudariro asi vanoti makatsitsana zvekutoshaya kana pekutsukutira napo kuti vapinde. Nekuda kweshungu dzinopfachukira mavari vapedzisira vasheedzera vachikoreka kuti; "Tipindewo Mudariro!" Zvino zvatasheedzera kudai, imi vari mudariro kare chitinzwaiwo mutipe mukana tipindewo mudariro mumbovokerawo kurimbinyuka kwedu.

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...