Wednesday, July 26, 2017

NGATISIMUKEI TIPINDEWO MUDARIRO!

Zvinondibaya somunzwa pakufunga mutauro weShona,
Kuti sei mhomho nhasi isina hanya neShona,
Isu tichingokurudzirwa nevakatitangira saVaHamutyinei,
Nhoroondo yezvinyorwa zveShona vakairondorodza,
Kurudziro neshuwiro zvavo vakayanika pachena,
Isu tichiramba takati uso pasi tsiki-tsiki
Setisina zvipo izvo zvakangoti matiri tekeshe.
Haiwa! Ngatisimukei tipindewo mudariro!

Makare vaiti vanzwa parira ngoma vaikotonoka,
Munzira tande kunoona zviri kuitika.
Vaona waiona vane zvipo mudariro pindikiti,
Vosimudza makumbo waiona vaoki vangoti mbikiti,
Romuromo hwa maziso angonzi mudariro ndee,
Paigodhigidzwa pasi kudzamara rukuruva rwati mone
Ipapo vaokeri vaishunguvira kupindawo wonzwa vodeedzera:
Hei! Ngatisimukei tipindewo mudariro!

Nhasi tinoti taona mufaro pakaungana mhomho,
Mwoyo inodokwairira kusvikapo nemudongo-dongo,
Kunoti pamuzinda vhu-u wanei chitaurirwa,
Pasingadanwi anonzwa akanzwa mumakuwerere,
Kunoti runopiringisha makumbo, runotsvikidza….,
Imi woye zvinenge zvichida kuzvionera pamhino sefodya.
Makwikwi amasandairira egungwa kuedza kuenderana nevamwe
Sezvo nezvikweya zvichisimuka kupindawo mudariro,
Asi mangwana wozoona dzave shasha dzedariro.

Kudai taidarowo nhasi mudariro rezvinyorwa zverurimi rwaamai,
Tichipitipidzana kupakurira vanhu nhapitapi yerurimi rwaamai,
Tokokawo vamwe kuti uyai titandare mudandaro renhetembo,
Zvino handizvo zvatiri nhasi vana vanhasi,
Takumura wedu mutauro mupfungwa sehanzu yasakara
Ndokuuti kwakadaro kupu munewevatorwa tika.
Ngatidadeiwo nerwaamai rurimi tirimo mudariro
Tikadaro vazhinji vachashunguvira kupindawo mudariro.

Mudetembo ravo ‘ChiShona Kutapira’ vaHamutyinei vanoti:
“Chishona magama anozipa kunge mana.”
Ndiyoka nhapitapi yavatisiira inozipa kunge mana.
“Tinoruda, tinoruremekedza rurimi rwedu,
Tinoruda, tinorufarira rurimi rwedu.”
Vaidaro VaHamutyinei muna ‘Chishona Kutapira.’
Hongu vairuda, vairuremekedza nokurufarira,
Asi vazhinji nhasi havarudi, havaruremekedzi kana kurufarira
Ini ndichivadaidza kuti simukai tipindewo mudariro!

Vakataura nemuti mukanwa VaHamutyinei pavakati:
“Kuda tichaonawo munyori anobva pamushana.”
Hezvi ndiripo nhasi ndinoshuva kutandadzana.
Zvizere zvipo matiri asi tinokundwa nenyadzi.
Chikotonokai mose mukunyora tizobvumirana,
Mumabvumira enhetembo dzedu nhetembo tichikandirana,
Kuzoti nenganonyorwa zvedu totandadzana.
Rurimi rweShona ingano dzematambidzanwa
Saka ngatizvikuvei kune vakatanga nevanotevera tigotambidzana
Kusvikira vakawanda vati; ngasimukei tipindewo mudariro!

Vana veZimbabwe torai zviro tikomberane gapu,
Tichiita bishi kubika nhapitapi yeShona.
Tsumo madimikira nenyaudzosingwi tizvipakire,
Pamusoro pazvo totutsira fananidzo negudziramukanwa,
Ukazozviverenga kana nzara ikaruma chikafu unokanganwa.
Zvizhinji zvirimo muShona rurimi rwaamai,
Ngatizvitutsirei tipakurire nyika iri dakunanzva

Kusvikira vazhinji vati; ngatisimukei tipindewo mudariro!

Tuesday, July 25, 2017

ENDA UNDOZVIONERA

Kana uchida kuona mashiripiti,
Mashiripiti akaunzwa nechirungu
Chirungu chakaputsa tsika dzedu
Tsika dzedu dzamatambidzanwa,
Enda unozvionera kudhorobha.
                                                                  
Ukapinda mudhorobha rino neroro,
Unoti kanha nezvaunoona,
Unoshama senyana reshiri ukati tumbi,
Chokwadi vanasikana vofamba vari mushwi!
Kushama sebarwe roiswa mudura,
Anoda kuzvionera mashiripiti aya,
Chokwadi anoenda onozvionera kudhorobha.

Ukazvitevedzera unofa wadzungaira,
Kudzungaira kunounzwa nechirungu,
Chokwadi chirungu chakauya nechirungurira!
Pinda mubhawa ukasati kanha,
Vanongova vaviri-vaviri sehangaiwa,
Asi rudo rwavo handi rweupenyu,
Rwavo rudo nderwechinguvana.

Zviriko zviuya zvakauiswa nechirungu,
Asi ngatizvitore pakanaka tizvikotse
Kututsira padzedu tsika dzamatambidzanwa
Kwete kuti ndiyo shanduko, yekurasa unhu nemukanwa!
Vakomana vachiremberedza mabhurukwa semwana azviitira,
Vasikanawo vachiminura zvekutaridza harare
Hanzi kufambirana nefashoni, muchipfeka zvakadaro?


Dai kuri kare zvikara zvicharura mumasango,
Masango achi maporipotyo namajaraunga,
Nyika isati yarohwa nenyundo,
Nyika isati yaita mhindupindu,
Shanduko asati auya naShandukai
Tichakadekara mune dzedu tsika
Ini ndaipururudza mupururu.

Kana uchida kunzwa yazvo mifananidzo,
Mifananidzo yezvaiitwa nevatana vedu kare
Kufamba, kutaura nekupfeka zvakatsiga,
Majaya nemhandara vachipfimbana zvakatsiga,
Kuroorana vamatongo zvichivabatsira,
Nhunzvatunzva zvadzaizivikanwa hadzaidiwa,

Enda unozvionera kumamuziyamu emuno
Kana kuzvinzwira munganonyorwa dzechinyakare.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudario (c) 2017



Monday, July 24, 2017

HAVANA RUDO

Akati vane mwoyo munyoro ndiani?
Ndiani akati vakavimbika sezuva risingapinduki mafambiro?
Mafambiro avo akaaona kururama somupuranga ndiani?
Ndiani akati vane rudo runopfachukira?
Nerudo ziendanakuenda sematenga?
Chokwadi ndechokuti havana rudo.

Munogondidzvokora semusingandizivi sei?
 Zvamunogoti kanha semusingazivi vandinoreva?
Imi nhambo dzose muchigara navo.
Ndinoreva ivavo vamunogara navo,
Navo zvino vatoti kwandiri ndee!
Zvomongoringa-ringa kutarisana, ndinoreva imi!
Chokwadi ndakazviona vakadzi hamuna rudo!

Kuramba tana asi mwoyo iri kureva,
Munoti ngei imi murimi vanamuparanzvongo!
Ndine zvikonzero dungwe rakati rongondo!
Nerimwe gore remakore eujaya hwangu,
Mumwe akandivimbisa rudo ndamuti kwenyu, hanzi mirira nguva.
Pandakazomuyeuchidza yake vimbiso akanditii?
Hanzi sori hako ndaitamba, ndave nemumwe.

Kuzoti makei ndakaona tsvarakadenga yakado mwoyo,
Mwana wevanhu kunomusvitsa rerudo shoko,
Iye tana, hanzi you are not of my level!
Ini ramutuku, rwemarevhuru handingarugoni,
Heya zverudo kuvanasikana zvoenda nemalevels!
Voda varume vane zvinhu zvavo vanasikana
Havachadi cheziya kana chekukomberana
Zvekuti angu maoko ndakasimudza saPirato.

Zuro ndizuro mumwe akaputsa hari,
Ndaiva ndoti ndazviwanira munyoro,
Mushayachishonhwa ishwa inodyiwa namambava,
Kusaziva munhoroondo yeupenyu hwake mune zvivavanzarikwa,
Akandirukira nyaya yekuvanza zvaari hanzi ndakambobhinyiwa,
Asi sezvo rinamanyanga risingaputirwi mumushunje,
Tave mumba bhegi rakabvaruka rikabudisa zvivanzarikwa.

Raiva deze rakabuda hukwana makei,
Zuru rakapinda nyoka mashambanzou,
Aiva aputsa hari nokuda kuravira gapu mbishi
Ndokusara abata chipenga chisisina chiremera.
Ukuwo mwoyo ane wakaoma sedombo,
Wakakwashararazve sebwe reman'a
Apa ruremekedzo haana ndiChipaumire!

Ndizvozvo zvikonzero muyangu hombodo,
Kutsi kwayo hombodo yemwoyo ndiko zvigere
Zviitwa zvenyu vakadzi kwatiri varume zvikukutu,

Zvazondirevesa nhasi kuti vakadzi hamuna rudo.
Ko ndiani angarambe kuti havana rudo?

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...