Monday, July 24, 2017

HAVANA RUDO

Akati vane mwoyo munyoro ndiani?
Ndiani akati vakavimbika sezuva risingapinduki mafambiro?
Mafambiro avo akaaona kururama somupuranga ndiani?
Ndiani akati vane rudo runopfachukira?
Nerudo ziendanakuenda sematenga?
Chokwadi ndechokuti havana rudo.

Munogondidzvokora semusingandizivi sei?
 Zvamunogoti kanha semusingazivi vandinoreva?
Imi nhambo dzose muchigara navo.
Ndinoreva ivavo vamunogara navo,
Navo zvino vatoti kwandiri ndee!
Zvomongoringa-ringa kutarisana, ndinoreva imi!
Chokwadi ndakazviona vakadzi hamuna rudo!

Kuramba tana asi mwoyo iri kureva,
Munoti ngei imi murimi vanamuparanzvongo!
Ndine zvikonzero dungwe rakati rongondo!
Nerimwe gore remakore eujaya hwangu,
Mumwe akandivimbisa rudo ndamuti kwenyu, hanzi mirira nguva.
Pandakazomuyeuchidza yake vimbiso akanditii?
Hanzi sori hako ndaitamba, ndave nemumwe.

Kuzoti makei ndakaona tsvarakadenga yakado mwoyo,
Mwana wevanhu kunomusvitsa rerudo shoko,
Iye tana, hanzi you are not of my level!
Ini ramutuku, rwemarevhuru handingarugoni,
Heya zverudo kuvanasikana zvoenda nemalevels!
Voda varume vane zvinhu zvavo vanasikana
Havachadi cheziya kana chekukomberana
Zvekuti angu maoko ndakasimudza saPirato.

Zuro ndizuro mumwe akaputsa hari,
Ndaiva ndoti ndazviwanira munyoro,
Mushayachishonhwa ishwa inodyiwa namambava,
Kusaziva munhoroondo yeupenyu hwake mune zvivavanzarikwa,
Akandirukira nyaya yekuvanza zvaari hanzi ndakambobhinyiwa,
Asi sezvo rinamanyanga risingaputirwi mumushunje,
Tave mumba bhegi rakabvaruka rikabudisa zvivanzarikwa.

Raiva deze rakabuda hukwana makei,
Zuru rakapinda nyoka mashambanzou,
Aiva aputsa hari nokuda kuravira gapu mbishi
Ndokusara abata chipenga chisisina chiremera.
Ukuwo mwoyo ane wakaoma sedombo,
Wakakwashararazve sebwe reman'a
Apa ruremekedzo haana ndiChipaumire!

Ndizvozvo zvikonzero muyangu hombodo,
Kutsi kwayo hombodo yemwoyo ndiko zvigere
Zviitwa zvenyu vakadzi kwatiri varume zvikukutu,

Zvazondirevesa nhasi kuti vakadzi hamuna rudo.
Ko ndiani angarambe kuti havana rudo?

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...