Thursday, October 26, 2017

SAHWIRA

Waroverepiko nhai sahwira?
Usipo semhou yarasa mhuru ndaidzungaira,
Wakangonyangarika seguyo rakandwa mugungwa
Ndikati zvimwe namakororo enhare wapingwa
Kana kuti dandemutande ramasaisai kwauri radimurwa
Ini ndovimba kuti zvangu zvinyorwa uchaparura.

Pandinozadzwa nenduri dzoda kunyandurwa
Ndinoshaya ndiyani wandinganyandurira.
Pandinozvimba motashungu rizere nganonyorwa
Ndinoda iwe uritumbure ndinzwe kufefeterwa
Zvirokwazvo uri mumvuri wemafemo kuturira
Unondisimbaradza mune ichi chipo
Saka ndichisuwa nguva idzo unenge usipo.

Zvinodaro nokuti tiri shiri dzimwe
Nomuririro weduzve ndomumwe
Saka ndisingadi kukushaya zuva rimwe.
Pandinonyandura unobvumirawo nenduri
Wondikurudzira kuti ndimire sanyanduri
Tochidzidzana samadzimai muduri

Ndiri kuno ndinozwa “Mabvumira Enhetembo”
Ndobva ndaziva kunobva “Mutinhimira Wedetembo”
Asi ndinoshaya mapindiro mu”Dandaro Nenhetembo.”
Paya wakavanzwa pavakati “Tipeiwo Dariro”
Sezvo vatsva vetsambo wakavapa dariro

Iwewo nhasi chidaira ndinoti “Tipindewo Mudariro!”



NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...