Waroverepiko
nhai sahwira?
Usipo semhou
yarasa mhuru ndaidzungaira,
Wakangonyangarika
seguyo rakandwa mugungwa
Ndikati zvimwe
namakororo enhare wapingwa
Kana kuti
dandemutande ramasaisai kwauri radimurwa
Ini ndovimba
kuti zvangu zvinyorwa uchaparura.
Pandinozadzwa
nenduri dzoda kunyandurwa
Ndinoshaya
ndiyani wandinganyandurira.
Pandinozvimba
motashungu rizere nganonyorwa
Ndinoda iwe
uritumbure ndinzwe kufefeterwa
Zvirokwazvo uri
mumvuri wemafemo kuturira
Unondisimbaradza
mune ichi chipo
Saka ndichisuwa
nguva idzo unenge usipo.
Zvinodaro
nokuti tiri shiri dzimwe
Nomuririro
weduzve ndomumwe
Saka ndisingadi
kukushaya zuva rimwe.
Pandinonyandura
unobvumirawo nenduri
Wondikurudzira
kuti ndimire sanyanduri
Tochidzidzana
samadzimai muduri
Ndiri kuno
ndinozwa “Mabvumira Enhetembo”
Ndobva ndaziva
kunobva “Mutinhimira Wedetembo”
Asi ndinoshaya
mapindiro mu”Dandaro Nenhetembo.”
Paya wakavanzwa
pavakati “Tipeiwo Dariro”
Sezvo vatsva
vetsambo wakavapa dariro
Iwewo nhasi chidaira
ndinoti “Tipindewo Mudariro!”
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017