Saturday, October 13, 2018

TAKAKUGONA WENA


Wakambogwangura hako hwedu vupenyu;
Ropa ukatevura mushiya ukaseva,
Wakambotichenyeura ako mavanga tinawo
Tinawo zvedu asi takazokugona wena!

Sedare njere takarodza naVaMushonga;
Tikati kutevedza mapurosija ndiwo wedu mushonga.
Takatsvakurudzazve nezvako navaMahwite;
Hapanazve pakati pedu wauchahwetura.
Neongororo, takazokugona wena!

Vakambozvireva taungana VaZireva
Kuti tikakurongera, uchazoti vaisireva.
Zvino takukomberana navana Tsitsi;
Shiri yabata rekeni hatichina tsitsi,
Nechedu chibvumirano, takazokugona wena!

Takugarira zvedu namuzvare Mangwanda;
Hakunazve wauchaita marangwanda;
Ivo vaya-a vawakamaranzura vakakwana,
Nevaya-a vawakataka vakakwana.
Chako pano hapachina, takazokugona wena!

Ungatidii zvedu varipo VaBeaton?
Vachikupenengura pawaivanda takapaona!
Kana kumakondirakita kwaChomutare
Dzako nzira vakashosha neutare;
Neurongwa hwebasa, takazokugona wena!

Kana neni zvangu Nyanduri
Kunyandura kudai manyawi;
Ekuziva kuti njodzi nesu mukana hauchina;
Kuda ukaenda zvako kumaChina
Nekuti paMimosa takazokugona wena!


Thursday, July 26, 2018

MAKANDIONEI?

Hokoyoi nemubvunzo uyu vanasikana,
Ngatimbokururkurai nezvangu vasikana.
Pandasvika nepandinofamba munoti honai,
Jaya rakazvarwa iri vasikana hamuzvioni nei?
Kutaurirana uku kundiyemura pamunondiona,
Izvozvi kana mumwe handisati ndaedza,
Ko kuzoti ndati kwenyu muchatii?
Ndiudzei kuti chaizvo makandionei?
Pese pandinofamba meso jii kwandiri,
Zvobva zvandikatyamadza kufunga zvandiri.
Kungoti nhaiwe mwana orohwa nehana,
Neyangu nyemwerero obva ati kanha,
Iro ziso richingonzi kwandiri kape
Rudo rwangu mumwoyo make kupe.
Nemuwandiro wevakomana ndashaya kuti munorwirei?
Handina gona rehwezvo saka ndiudzei kuti makandionei?
Zvinokurwadzai kuti handina meso meso,
Chero mune zvishereketo zvinokwezva nokubata meso,
Zvakazondibvunzisa mumwe akanditi siyana navo,
Nokuti havana hanya nokuzivana kwavo,
Chavanongoda kwauri inongova mari chete.
Zvino ini handidi anoda pfuma, asi rudo chete.
Nenyaya iyi ndinoti kwamuri munofungei?
Kana zvisizvo chindiudzai kuti makandionei?
Imari here yodaro kukuvhiringidzai pfungwa?
Kana kuti rudo rwenyu kwandiri rwakasimba?
Kuumbirirwa nevasikana senhunzi panyama!
Runako rwangu here rwomondin'in'inira shure?
Kana kuti unyoro hwangu hwokudaroi?
Yese iyi mibvunzo kubva kwandiri,
Sezvo ndichida kuziva zvandiri.
Saka chindiudzai zvino kuti chaizvo makambondionei?

CHISIYA

Vanyori veChisiya
Kunyora musasiya
Musiye tsika yekusanyora
Mukasanyora pano ndinosiya.
Munoda here vaverengi vaziye?
Ngavazvizive kuti zvekunyora hatichasiya
Asi zvekusanyora ndozvatakati tiChisiya.
Chisiya zvekusanyora Chisiya!
Chisiya unodirei vaverengi vadembe?
Iwe uchigona hako kudetemba
Detemba Chisiya maungira ahwikwe kure
Kure kweChisiya ndikusina nduri
Nokuti Chisiya wakazara navanaNyanduri!

NaNyanduri Tafadzwa
#Tipindewo Mudariro © 05/2018

Monday, March 26, 2018

KANA PFUNGWA DZAKUBATA


Tinogona kutaura newe
Uchigutsurira, iwe usingatihwi!
Unogona kurova manja
Sevamwe, iwe usingandihwi!
Tinogonazve kuva pano newe
Mumhi bedzi, isu tisinewe!
Kazhinji ndozvazvinoita kana pfungwa dzakubata

Patinoseka, unosekawo mwene seunesu,
Kukuvhunza chasekwa hwava, nokuti haupo!
Neavo meso havaoni kuti haupo!
Vanotiona mumhi vanoti tiri vana,
Izvo tiri vatatu muhwedu vuna.
Sedhambakura musoro unogutsurira tichitaura,
Kuvhunza chawanzwa hwava pane zvataurwa.
Hazvitishamisi, nokuti zvinodaro kana pfungwa dzakubata.

Vanokuona vanoti unovona,
Kwavari zvakavanzika kuti hauvoni.
Vazoti pawayambuka mugwagwa vazovona,
Mota dzotsikigwa chepakati kwako kusavona.
“Harisi bofu chete asizve imatsi!”
Adaro mutyairi sezvo aridza bhera ukasahwa
Wazopatika zvino vanhu vati unga-unga
Unoita seunorota matyewe kana pfungwa dzakubata.

Rega kurega pfungwa dzichikuitisa chamunyurududu
Nokuti makununĂșnu maodzamoyo, anenge nduru
Akaputika anokuitisa zvisina menduru
Ukaswera wofamba chimhukutira semhute.
Pane kuti zvikudye moyo wakazvivanzarika
Durura zviri muhana kuvamwe ubatsigwe
Nokuti ndozvazvinongoda hama yangu kana pfungwa dzakubata.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro 
Kurume 2018

Monday, February 5, 2018

Murwizi Nyadzira

Image may contain: outdoor and natureImage may contain: plant, tree, outdoor, nature and water

Pazibge iro, taibatapo hove kunyanya miramba/mhatye kana muvura yopera zviya iri nguva yechirimo. Ibge irori riri murwizi Nyadzira runopfuura nepedo nemusha wedu. Haguna kunyanya kukura asi hagupwi mvura. Ukaona gopwa ziva kuti mvura yava pedo, kana kuti zvokwadi kunenge kwapisa zvezhara chaiyo.
Zvino pazibge irori pakazosvika nguva yekuti pakanga poitika zvakatishaisa shumo. Takati rimwe zuva taenda kunobata hove sezvatinosingoita kana mvura yava shoma. Taisvika totanga kugofa-gofa mubako rebge iroro kuti hove dzivhiringike dzigobuda mubako. Ipapo ndipo pataizopinda totanga kubata hove nemaoko.
Zvino zuva iri takati tasvika ini nemunin'ina wangu takagofa mubako muya semazuva ose. Nenguva isipi ndakanhwa mvura kuti kumeso kwedu kuti waaa! Takati svetu ndiye chubwi chubwi ticbibuda mumvura ndomunomira kwakadaro hana dzichibika manhanga. Takanyahwaira ini mberi munin'ina achitevera maziso akawetswa tichida kuona kuti chaiva chii? Tichingosvika mvura yakanzi bvundu zvakare ichipfachurigwa kwatiri tikati tsoka wakandiisepi?
Kubva musiwo hatina kuzonobata hovepo zvakare. Asi kuti tizive kuti chii zvakakone n,anga, waingoti uchingosvikapo mvura yaibvundugwa zvokuti waishama woga. Takamboti asi pane chingwenamutope? Kana kuti waiva muramba waiva wakurisa mubako iri, asika waigoziva sei kuti vanhu vasvika regai ndichipfachura mvura?

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...