Monday, February 5, 2018

Murwizi Nyadzira

Image may contain: outdoor and natureImage may contain: plant, tree, outdoor, nature and water

Pazibge iro, taibatapo hove kunyanya miramba/mhatye kana muvura yopera zviya iri nguva yechirimo. Ibge irori riri murwizi Nyadzira runopfuura nepedo nemusha wedu. Haguna kunyanya kukura asi hagupwi mvura. Ukaona gopwa ziva kuti mvura yava pedo, kana kuti zvokwadi kunenge kwapisa zvezhara chaiyo.
Zvino pazibge irori pakazosvika nguva yekuti pakanga poitika zvakatishaisa shumo. Takati rimwe zuva taenda kunobata hove sezvatinosingoita kana mvura yava shoma. Taisvika totanga kugofa-gofa mubako rebge iroro kuti hove dzivhiringike dzigobuda mubako. Ipapo ndipo pataizopinda totanga kubata hove nemaoko.
Zvino zuva iri takati tasvika ini nemunin'ina wangu takagofa mubako muya semazuva ose. Nenguva isipi ndakanhwa mvura kuti kumeso kwedu kuti waaa! Takati svetu ndiye chubwi chubwi ticbibuda mumvura ndomunomira kwakadaro hana dzichibika manhanga. Takanyahwaira ini mberi munin'ina achitevera maziso akawetswa tichida kuona kuti chaiva chii? Tichingosvika mvura yakanzi bvundu zvakare ichipfachurigwa kwatiri tikati tsoka wakandiisepi?
Kubva musiwo hatina kuzonobata hovepo zvakare. Asi kuti tizive kuti chii zvakakone n,anga, waingoti uchingosvikapo mvura yaibvundugwa zvokuti waishama woga. Takamboti asi pane chingwenamutope? Kana kuti waiva muramba waiva wakurisa mubako iri, asika waigoziva sei kuti vanhu vasvika regai ndichipfachura mvura?

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...