Ndaiti shamwari
ndeuyo wandakamboona nameso
Wandinogara
ndichitaura naye panhare nepawatsiapu
Ndaiti zvimwe
shamwari ndeuya wandakadzidza naye kuchikoro
Kana
wandakashanda naye kubasa kwemakore.
Ndaiti kuda
shamwari ndewandinobata naye kukereke’yo
Kana
muvakidzani wandinonzwana naye,
Ndaitizve shamwari
ndeuya wandinogara ndichishanyirana naye
Anopota achindipa mari ndomuti munhu kwaye.
Ndaitiwo
shamwari ndiyonini anondiyananisa nemhuri tapesana
Kana yekera
wandinogara ndichinwa naye doro,
Ndaiti shamwari
nditicha nhingi vaindifevha kuchikoro ndafoira
Kana Mayaya wemumugwagwa
anorega ndichifamba nemota isina kukwana nerweseri
Ndaitizve
shamwari ndigweta nhingi akandimiririra kuramba mhosva yandakapara
Kana mufundisi yeyo
akarega ndichitorana nemudzimai wanhingi nekuti ndine dzamatsama remari
Ndaiti shamwari
ndimaneja Mujubheki akandipinza basa nembudzi yandakamubhadhara
Kana dhiredhi
akandipinza mune akazodhirika embanje nekuba madhiri
Ndaiti shamwari
ndimukoti yeyo anondidaridza mutsetse ndanonoka kuchipatara
Kana sabhuku Vharazipi
asingandishaisi keya chero ndiri muzvinabhizimusi
Asi zvino
ndaona kuti idzi handi shamwari,
Ko zvino ndiani
wandingati shamwari?
Ndiri mucheche zvizhinji
ndakanga ndisingazivi
Asi ndakazoti
ndava chimunhu, ndakaziva!
Kana zvino handisakaziva
kuti shamwari chaiyo ndeipi
Asi kuzoti
ndava chimunhu, ndichaziva
Kuti shamwari
nd..................................
NaNyanduri Tafadzwa Moyo (c) 2017