Monday, December 18, 2017

HATAIZIVA

Ndikarangarira kuyemedzana kwataiita
Nevadiwa vezera tonge tichachata,
Hama neshamwari vezera zvichinge mhuri.
Kudyidzana kwedu kwaikunda dzavana buda ndibudewo mhuri
Taifamba vaviri-vaviri sehangaiwa,
Asi urongwa hweramangwana redu hwava,
Nokuti hataiziva kuti upenyu chii.

Upenyu hwandisandukira muno mudhorobha,
Nzvimbo nenzvimbo dzakati kuti ndashanya
Ndichitsvaka zvekare mufaro asi ndaushaya,
Uyo wataiva nawo pachikoro makei
Uyo wataifara zvedu pasina aiti hei!
Mukutandadzana pasina upenyu hwairongwa
Nokuti hataiziva kuti upenyu mwene wahwo.

Bvunzo dzedu takabudirira zvakanaka
Kupfuura gurumwandira revakambodzidza zvakanaka,
Kunyange zvedu taive neroparembwa
Rokushaya vadzidzisi tichizvionera.
Muzvidzidzo zvizhinji zvatairwisa nechido chokubudirira
Takarwa nebvunzo semvumba tikabudirira
Asi hataiziva zvaive zvakatimirira munyika.

Kunoti kwedu munyika tititi
Wanei ha-a! Yakasungwa neutare.
Zvakati vamwewo vakaita rombo rakanaka
Ndokupfuurira mberi nedzidzo.
Mukati mesanduko takarwadziwa nepesano pakati pedu,
Nokuti tese nevakaita rombo rakanaka
Hataiziva kuti kuparadzana kunorwadza.

Zvakazondibaya pamwoyo somunzwa
Pandakafunga kuparadzana kwangu nomudiwa,
Ndichirangarira edu mazuva newangu mudiwa,
Taive nerudo rwebhande nebhurukwa,
Shamwari dzainge hama pakutitsigira.
Pakufara kwedu taisava netariro yepesano
Nokuti hataiziva kuti upenyu injake-njake.

Nokuti upenyu injake-njake,
Munyika umwe neumwe ava kwake.
Rudo, ushamwari nomufaro zvati hwa-a.
“Shanduko chikamu muupenyu shamwari ndakainzwa,
Ikauya wakavarairwa inokurwadza somunzwa.”
Akadaro mumwe wedu kwatiri rimwe zuva
Nokuti hataiziva kuti ndozvinoita upenyu.

Zvinonzi vakamboonana havashayane,
Naizvozvo munyika tichasangana.
Vehama zvinonzi nzira masanga,
Naizvozvo munyika tichasangana.
Upenyu idanda unotozvivezera,
Saka hwedu upenyu taifanira kuzvigadzirira,
Asi zvese mupfungwa taisazviziva
Nokuti hataiziva chakanaka nechakaipa.

Kunemi vanin’ina muri kutevera,
Upenyu hunorongwa pachikoro muchadzidza.
Chitsvakai zvino makwara akanaka moatevedza,
Kana zvechikoro zvichikukundai, zvizhinji imi munokwikwidza.
Munavo vadzidzisi vanokupai ruzivo,
Mukavaremekedza vanokupai yambiro
Hamuzopindi munyika musinawo chezivo.
Kana kuzochema nairori shoko rekuti:-
Hataiziva kuti ndozvinoda upenyu.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro
@2017

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...