Saturday, October 13, 2018

TAKAKUGONA WENA


Wakambogwangura hako hwedu vupenyu;
Ropa ukatevura mushiya ukaseva,
Wakambotichenyeura ako mavanga tinawo
Tinawo zvedu asi takazokugona wena!

Sedare njere takarodza naVaMushonga;
Tikati kutevedza mapurosija ndiwo wedu mushonga.
Takatsvakurudzazve nezvako navaMahwite;
Hapanazve pakati pedu wauchahwetura.
Neongororo, takazokugona wena!

Vakambozvireva taungana VaZireva
Kuti tikakurongera, uchazoti vaisireva.
Zvino takukomberana navana Tsitsi;
Shiri yabata rekeni hatichina tsitsi,
Nechedu chibvumirano, takazokugona wena!

Takugarira zvedu namuzvare Mangwanda;
Hakunazve wauchaita marangwanda;
Ivo vaya-a vawakamaranzura vakakwana,
Nevaya-a vawakataka vakakwana.
Chako pano hapachina, takazokugona wena!

Ungatidii zvedu varipo VaBeaton?
Vachikupenengura pawaivanda takapaona!
Kana kumakondirakita kwaChomutare
Dzako nzira vakashosha neutare;
Neurongwa hwebasa, takazokugona wena!

Kana neni zvangu Nyanduri
Kunyandura kudai manyawi;
Ekuziva kuti njodzi nesu mukana hauchina;
Kuda ukaenda zvako kumaChina
Nekuti paMimosa takazokugona wena!


No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...