Tipindewo Mudariro
Tipindewo Mudariro muunganidzwa wenduri dzavana nyanduri vachangotanga. Nguva yati rebei vana nyanduri ava vazara kuti shaku nemanyukunyuku ekupindawo mudariro asi vanoti makatsitsana zvekutoshaya kana pekutsukutira napo kuti vapinde. Nekuda kweshungu dzinopfachukira mavari vapedzisira vasheedzera vachikoreka kuti; "Tipindewo Mudariro!" Zvino zvatasheedzera kudai, imi vari mudariro kare chitinzwaiwo mutipe mukana tipindewo mudariro mumbovokerawo kurimbinyuka kwedu.
Ino inzvimbo yamunowana nhetembo neyaya pfupi dzamunopakurirwa naNyanduri Tafadzwa Moyo mururimi rwaamai dzichibva kwaari nekune vamwe vanyori vechidiki nevari kutsvaga kupindawo mudariro rezvokunyora sayewo. Kuburikidza nerutsigiro rwenyu Nyanduri achange achizokupaiwo nhau dzezvinenge zvichiitika mudariro rezvokunyora. Huyai mose imi munodawo kupinda mudariro iri tigogodze tichidaidzira pamwe chete tichiti: "TIPINDEWO MUDARIRO!" zvimwe tingakurumidza kunzwikwa.
Subscribe to:
Post Comments (Atom)
Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet
MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...
-
PASI PAPINDUKA Chhokwadi pasi paita mhidigari, shandukuminya. Zvanga zvakaita nyika pamakore makumi mashanu apfuura sandizvo zvairi nhasi...
-
MASHOKO EUCHENJERI Mashoko euchenjeri handi ekumhura Izvo zvinobatwa nevamwe mumakura Kana zvasungwa nembariro dzemisoro yevamwe mu...
-
MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...
No comments:
Post a Comment