Tuesday, July 25, 2017

ENDA UNDOZVIONERA

Kana uchida kuona mashiripiti,
Mashiripiti akaunzwa nechirungu
Chirungu chakaputsa tsika dzedu
Tsika dzedu dzamatambidzanwa,
Enda unozvionera kudhorobha.
                                                                  
Ukapinda mudhorobha rino neroro,
Unoti kanha nezvaunoona,
Unoshama senyana reshiri ukati tumbi,
Chokwadi vanasikana vofamba vari mushwi!
Kushama sebarwe roiswa mudura,
Anoda kuzvionera mashiripiti aya,
Chokwadi anoenda onozvionera kudhorobha.

Ukazvitevedzera unofa wadzungaira,
Kudzungaira kunounzwa nechirungu,
Chokwadi chirungu chakauya nechirungurira!
Pinda mubhawa ukasati kanha,
Vanongova vaviri-vaviri sehangaiwa,
Asi rudo rwavo handi rweupenyu,
Rwavo rudo nderwechinguvana.

Zviriko zviuya zvakauiswa nechirungu,
Asi ngatizvitore pakanaka tizvikotse
Kututsira padzedu tsika dzamatambidzanwa
Kwete kuti ndiyo shanduko, yekurasa unhu nemukanwa!
Vakomana vachiremberedza mabhurukwa semwana azviitira,
Vasikanawo vachiminura zvekutaridza harare
Hanzi kufambirana nefashoni, muchipfeka zvakadaro?


Dai kuri kare zvikara zvicharura mumasango,
Masango achi maporipotyo namajaraunga,
Nyika isati yarohwa nenyundo,
Nyika isati yaita mhindupindu,
Shanduko asati auya naShandukai
Tichakadekara mune dzedu tsika
Ini ndaipururudza mupururu.

Kana uchida kunzwa yazvo mifananidzo,
Mifananidzo yezvaiitwa nevatana vedu kare
Kufamba, kutaura nekupfeka zvakatsiga,
Majaya nemhandara vachipfimbana zvakatsiga,
Kuroorana vamatongo zvichivabatsira,
Nhunzvatunzva zvadzaizivikanwa hadzaidiwa,

Enda unozvionera kumamuziyamu emuno
Kana kuzvinzwira munganonyorwa dzechinyakare.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudario (c) 2017



No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...