Ndinzweiwo dzangu
hama ndinonzwa
Mumboteyawo
nzeve kuzvandinonzwa
Dzimwe nguva
sendisiri munhu ndinonzwa
Kupera simba
kunge ndoda kupepereka
Ndovhunduka
zvinoti kwatara ndisina katurike.
Ngoma kurira
muhana ndinonzwazve
Sendine mhosva
ndomboringa-ringa
Hana yangu
manhanga yombobika
Sendatarisana
neshumba chikara
Ndinonzwa
ndobvunda serutsanga mumvura.
Sendamwira
magopwe mashoko
Anondizarira
zvonditi rukurira munduri
Ndonyandura
saka ndichinzi Nyanduri
Nekuti nduri
ndinonzwa dzichidururwa mandiri
Saka ndinzwei
mandiri mune zvandinonzwa.
Ndinonzwa
zevezeve munzeve
Vataurire
vateye nzeve
Ndivapakurire
mupakwa wamangwana
Mangwana
vasapingwa nemutanda wazuro
Zuro vakandinyira
nzeve nawo vakapingwa.
Ndinzweiwo
dzangu hama ndinonzwa
Mukaona
ndonyandura zvimwe ndanzwa
Kurudziro
yezvamakambobata zvakanaka
Nemaungira
emhosho dzakamboitwa.
Zviuya
zvichauya ndinonzi ndikuzivisei
Chenjedzo yekuti
mucharike mitanda
Ndinonzwa zvichindisunda
Kuti nyora,
nyora ramba uchingonyora!
Ndinonzwa kuti
nyora, saka ndiri munyori!
NaNtanduri Tafazdwa Moyo
#Tipindewo Mudariro! @ 2017
No comments:
Post a Comment