REGAI
DZIVE SHIRI
Chokwadi
vanhurume vanodarireiko isu vanasikana vechidiki kutipwanya tichi mazai?
Zvatichine mukaka pamhuno namapfupa matete senhinjana, vanoadii kumbotiregerawo
tikakura? Zvavanotichacha tichiri majeza vanodii kumbotiregawo tasvika sedzimwe
ipwa? Iwo makava epwa akambozonaka riini? Kana dai hazvo achivanakira handiti
anorwarisa nenduru? Asi ivo kunyange zvakadaro vanotibata votimbunyikidza tichi
vadiki. Mwoyo yavo hairwadziwo here vachibhinya isu hanzvadzi dzavo
pakuberekwa? Vamwe vavo vatori vana baba kwatiri asi havaiti saana nyakubereka.
Dai zvazvo vachizviita tawirirana taiti zvimwe maisokwadzo. Zvino kutivandira
here musango nemune dzimwe nzvimbo dzatinoshaya rubatsiro sevanovhima mhuka? Chokwadi
moyo yavo yakaoma sematombo, yakasindimara nokukwasharara semakwati emutondo.
Zvese
izvi zvaingunojijana mumusoro mangu ndakabitirirwa neshungu nekuda kwezvakanga
zvaitika muupenyu hwangu rimwe gore. Gore iri ndakanga ndava chimhandara
choputudza, ndotanga kurongedza chipfuva zvaiyevedza. Chikuriro changu ndakanga
ndadzidziswa kuzvibata ndikazvipira kuti hwangu umhandara hahungoenda zvenhando.
Ndaitofanira kuzvibata nokuchengetera achazondiroora nomuchato chimanda chake. Ndakanga
ndava mugwaro rechinomwe mukotoro yetatu. Vaindiona vaibvuma kuti pandiri pari
kusimuka tsikombi, tsvarakadenga yemhandara. Zvino hari yakazoputsika rimwe
zuva ndichibva kuchikoro. Sezvo yakanga yava kotoro yetatu mugwaro rechinomwe,
takanga togadzirira mazamanishoni ekupedza dzidzo yepuraimari. Taifumobata
jongwe muromo kuenda kuchikoro vamwe vasati vatanga, tichizopedza zvakare
manheru vamwe vapedza kare. Tariro yose
iyi yakazomedzwa nerimwe zuva remakore ekuyaruka kwangu.
Samazuva
ose, pazuva iri ndakamuka runyanhiriri ndogadzirira kuti ndiende kuchikoro. Ndapedza
kupurura makumbo nekumeso, ndakapfeka rokwe rechikoro ndokudya. Ndakachizoti
tande munzira ndonanga kuchikoro. Rwendo urwu rwaindisvota nekuti muraini redu
ndini ndoga ndaiva mugwaro rechinomwe, saka mazuva ose ndaigaronzunzutira ndoga
mangwanani nemanheru. Zvisinei, ndakaenda kuchikoro zvakaisvonaka, ndokudzidza
samazuva ose. Pakaregedzwa vamwe isu vaiva mugore rechinomwe takasara
tichiverenga ndokuzobuda panguva dzenhanhatu manheru. Taitozofamba kwati
zvarara tichizosvika kumba ruvhunzavaeni. Ndakaparadzana nevamwe ndoti zoo
nerwangu rwendo. Ko ndaizivei zvangu kuti ndakamirirwa nejambwa?
Pandakaonekana
nevamwe hana yangu yakatanga kubika manhanga. Ndakanga ndotya nekuti kwakanga
kwasviba, sezvo ndaisigarotsindidzwa kuti munhu wemusikana haatenderwi kufamba
kwavira. Ndaiudzwa kuti pane zvakawanda zvakashata zvinogona kuitika kana
ndikajairira tsika yokufamba usiku. Izvozvi ndizvo zvaiita kuti hana yangu
iridze mbakumba muchipfuva changu pandainzunzutira nzira kuenda kumba kwati
zvarara. Ndakatanga kumhanya ndichiteruka guvi rekubva kuchikoro ndokuriti
yambu. Ndati kwidzei ndakatanga kufamba asi ndichikanda minhasvu yakati kurei.
Ndaingoitira chete kuti nditi turei befu pamukwidza wokubuda muguvi umu ndozorusimudzira
zvangu rwokumanya ndasvika pakateramira. Ndakazoti ndasvika pachipani
chemibhondo ndokurusimudzira ndonanga mugwagwa waipfuura nemhiri kwerwizi
rwaive pedo nemisha yekwedu. Pandakanga ndoona mugwagwa ndakatanga kufamba
ndakadzikama. Ndaizviudza mupfungwa kuti kana ndikangoyambuka mugwagwa chete,
hapachina chandichatya nekuti ndinenge ndava kumba. Kana ndikawana chinondiwana
ndinokwanisa kudanidzira vekumba vakandinzwa. Ndakanga ndoona utsi hwemoto
wamanheru kuti pwititi- pwititi, zvitaitai ndizvo zvaingoonekwawo nechekurwizi
kuti tai-tai.
Ndiri
mubutiro repfungwa kudaro ndakaerekana ndanzi dzvi nechemuno mumazamu umu.
Ndakanga ndaita zvokumoneredzwa neruoko ndakatsimbirirwa maoko pamuviri. Rumwe
ruoko rwakanga rwakandivhara muromo kuti ndisaridza mhere. Ndakaedza kuvhazuka
ndikanzwa kuti ndakanga ndasungwa neutare chaihwo. Ndakavhura maziso zvishoma
ndokutarisa ruoko rwaipfuura nepamazamu angu ndikaona riri rino zioko rinenge
bango repadanga remabhiza. Ndainyatsonzwa kuti ndabatwa nehwindimukwindi
yerume. Ndakaedza kuridza mhere asi hapana kwakaenda izwi rangu sezvo ndakanga
ndakavharwa muromo.
Nenguva
isipi ndakanzi hwetu ndikanzwa ndava mumhepo ndikatanga kukava-kava ndichiedza
kutsvaka pokutsika. Ndaikava zvikwenzi nemadzinde euswa ndikaziva kuti
ndaiendwa neni musango. Mushure mekanguva ndakanzwa tati pasi zhokoto.
Ndakanowa nemusana ndikanzwa kudzimba kwaibva kutsoka kuchikwira nemupata wemusana
kusvika mumusoro nechekugotsi uku. Ndakanzwa musoro wangu kuzeya ndokutanga
kupera simba. Rume riya ndakarinzwa kugomera richinditsimbirira ruoko rwangu
rweruboshwe nebvi, zioko rake rerudyi rakabva randipomba nerengenya guru rehembe
kubva pamuromo richitenderedza musoro wangu nekugotsi. Ndairinzwa kufemera
pamusoro, rakanga roita serasvikirwa neshavi. Rokwe rechikoro randakanga
ndakapfeka rakabva rabvarurwa nemumupendero wemuchiuno umu ndikanzwa mhepo
yondipinda kusina kufanira. Mushure menguva tichibidiridzana, ndakanorovera
nemusoro padombo raiva pedyo nesu ndokunzwa kupera simba. Mumaziso ndakatanga
kuona madzerere ndokuti rukutu ndakadaro. Hapana chandakazonzwa zvekare kunze
kwemarwadzo andainzwa sekurota.
Ndakazopepuka
pave paya ndopindwa nechando. Ndakavhunduka ndichiona kuti ndiri musango
ndikazvishaira shumo yazvo ndokungooma muromo ndakadaro. Ndakazvitarisa
ndikaona ndakashama kubva muchiuno umu zvichidzika, kumusoro mabhatani edhirezi
rangu rechikoro akanga adambuka ndangoshama. Ndichingunozvitarisa kudaro
ndakabva ndaona ropa rakanga raerera pasi sepabaiwa nhongo. Hana yangu yakati
tigu ikatanga kubika manhanga ndikabva ndatanga kurangarira zvakanga zvaitika.
Ndakaedza kusimuka ndikatadza, ndakanga ndonzwa kureruka kwandisati ndambonzwa muupenyu
hwangu hwese ndikabva ndaziva kuti mbariro yeumhandara hwangu yakanga
yadamburwa. Ndakaridza mhere ndichizvibonderedza pasi neshungu. Chokwadi rume
iri ranga rashayei kuzochiva ndumure yakaita seni?
Vakazokoromoka
vanhu vemumana mandaigara pamwe nevabereki vangu kuzoona chakanga chatora
nzvimbo wanike mvura yeguchu yakanga yadeuka kare. Ndakanga ndatova zuru
rapinda nyoka. Deze zvaro rabuda hukwana mashambanzou. Kunyange zvazvo
nhunzvatunzva iyi yakazobatwa yaitova munhu wekuziva, haana kumbogara mujeri
kana kutongwa zvafanira mhosva yake. Akashandisa mombe dzake nhatu
sevharamuromo kumapurisa aichuchisa nyaya yekubhinyiwa kwangu kusvika
yazongotsikwa-tsikwa. Vangu vabereki nokushaya chouviri havana kukwanisa
kutsvakawo gweta rekutimiririra zvinoita vamwe. Zvakangozopera zvakaremera divi
rimwe setsvimbo. Vemutemo vatinotarisira kuti vanotiyamura nekutiruramisira
nyaya vadyiwa neuori, pane kuchengetedza mutemo vave kubhadharirwa
nekubhadharisa kutendera kutyorwa kwawo. Ini ndini ndakagurwa kunorira,
pakuongororwa ndakaonekwa ndava neutachiwana hweshuramatongo. Nguva zhinji
zvino ndinogaroshushikana kuti ndiani acharima gura? Dai yaiva iyo nhamo yoga
taiti zvimwe, zvino unye hwandakatapurirwa uhwu ndoita zvekudii nahwo? Chokwadi
ndakabaiwa panyama nhete. Zvamune vakadzi hamugutsikani seiko nhai vanhurume?
Zvamuri madzibaba kwatiri hamuna moyo wokubereka sei? Dai maizoregawozve
tiyaruke kwete kutin’urun’uzha tichi majandu. Madii marega dzava shiri nokuti
mazai haana muto.
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudariro (c) 2017
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
# Tipindewo Mudariro (c) 2017
No comments:
Post a Comment