Monday, August 7, 2017

SIYANA NAVO

Ndipewo zheve nhasi mwana’ngu ndikuudze
Zvakanangana rawaveri zera nhasi uno,
Nokuti ndiyo nguva yokusarudza gwara roupenyu,
Ukasarudza rakakombama zvichakutambudza.
Vaikufarira vachakuseka wotambura,
Nokuti makonzo anoruma nokufuridzira pamwe chete.
Asi kunyange voseka zvavo sei, iwe siyana navo.

Vakange voponda iwe nunurira mupondwi,
Vakange vomukira iwe, vape dama rakanaka,
Vakange votsvaga hanzvadzi dzorudo iwe gara pasi,
Uchirodza dzako njere mukutsoropodza wakutora mwoyo
Nokuti zvokuroorana vamatongo makati pasi tsve-e.
Ndinozviziva hazvisi nyore nokuti vachakuseka,
Asi kunyange voseka zvavo sei, iwe siyana navo.

Ukaona vomberereka namakura kutsvaga ndari,
Vachiti kana vanwa vorasa misoro, mashoko vongorutsa,
Vasisagoni kutaura navamwe zvakanaka,
Vachiti kuvatsiura voda zvokumukira iwe,
Vachipota vachimbobatana huro pachavo,
Vachimboedza kuti upindewo mugwara ravo
Usanzwe, asi chaungaita kusiyana navo.

Hapano pakaoma zvino mwana’ngu nezvezera rako,
Majaya mazhinji ofarira zvokufadza nyama,
Vonge mabhuru emashanga pakurarama,
Vozvarisa gumi nefararira revasikana vose vachisiya
Vangobata mari tande kuzvipuramari!
Zvirokwazvo ndinoti rega kutorwa mwoyo nezvakadaro.
Kana vakakusekera’zvo rega kutsamwa, asi siyana navo.

Usave nyahasha kana matambanezvibhakera,
Nokuti kurwa hakugadziri zvinhu zvikanaka,
Asi kudzima moto nepeturu.
Kutaura izvi ndakabva neko kumhunga hakuna ipwa.
Ndinozviziva zvinorema nokuti kusvosva igo rinokuti ndure-e,
Kutsika chiva chichikukobora, kudenha nyuchi ichikuti ndete-e,
Asi kana ukagona izvi zvese zvichakufambira
Uchiedza kuti vakakusvosva nokukutsika unyarare,
Vakaedza kukutsamwisa kuti ugotsauka panzira tsvene,
Vape dama rakanaka rokugarisana nevamwe zvitsvene
Nokuti kugara muraini hunzwanana nevamwe.
Saka kana vakauya nomutoo upi vachikutsvaga,

Rega kuita hanya navo, asi siyana navo.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

No comments:

Post a Comment

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...