Thursday, July 26, 2018

CHISIYA

Vanyori veChisiya
Kunyora musasiya
Musiye tsika yekusanyora
Mukasanyora pano ndinosiya.
Munoda here vaverengi vaziye?
Ngavazvizive kuti zvekunyora hatichasiya
Asi zvekusanyora ndozvatakati tiChisiya.
Chisiya zvekusanyora Chisiya!
Chisiya unodirei vaverengi vadembe?
Iwe uchigona hako kudetemba
Detemba Chisiya maungira ahwikwe kure
Kure kweChisiya ndikusina nduri
Nokuti Chisiya wakazara navanaNyanduri!

NaNyanduri Tafadzwa
#Tipindewo Mudariro © 05/2018

Monday, March 26, 2018

KANA PFUNGWA DZAKUBATA


Tinogona kutaura newe
Uchigutsurira, iwe usingatihwi!
Unogona kurova manja
Sevamwe, iwe usingandihwi!
Tinogonazve kuva pano newe
Mumhi bedzi, isu tisinewe!
Kazhinji ndozvazvinoita kana pfungwa dzakubata

Patinoseka, unosekawo mwene seunesu,
Kukuvhunza chasekwa hwava, nokuti haupo!
Neavo meso havaoni kuti haupo!
Vanotiona mumhi vanoti tiri vana,
Izvo tiri vatatu muhwedu vuna.
Sedhambakura musoro unogutsurira tichitaura,
Kuvhunza chawanzwa hwava pane zvataurwa.
Hazvitishamisi, nokuti zvinodaro kana pfungwa dzakubata.

Vanokuona vanoti unovona,
Kwavari zvakavanzika kuti hauvoni.
Vazoti pawayambuka mugwagwa vazovona,
Mota dzotsikigwa chepakati kwako kusavona.
“Harisi bofu chete asizve imatsi!”
Adaro mutyairi sezvo aridza bhera ukasahwa
Wazopatika zvino vanhu vati unga-unga
Unoita seunorota matyewe kana pfungwa dzakubata.

Rega kurega pfungwa dzichikuitisa chamunyurududu
Nokuti makununĂșnu maodzamoyo, anenge nduru
Akaputika anokuitisa zvisina menduru
Ukaswera wofamba chimhukutira semhute.
Pane kuti zvikudye moyo wakazvivanzarika
Durura zviri muhana kuvamwe ubatsigwe
Nokuti ndozvazvinongoda hama yangu kana pfungwa dzakubata.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro 
Kurume 2018

Monday, February 5, 2018

Murwizi Nyadzira

Image may contain: outdoor and natureImage may contain: plant, tree, outdoor, nature and water

Pazibge iro, taibatapo hove kunyanya miramba/mhatye kana muvura yopera zviya iri nguva yechirimo. Ibge irori riri murwizi Nyadzira runopfuura nepedo nemusha wedu. Haguna kunyanya kukura asi hagupwi mvura. Ukaona gopwa ziva kuti mvura yava pedo, kana kuti zvokwadi kunenge kwapisa zvezhara chaiyo.
Zvino pazibge irori pakazosvika nguva yekuti pakanga poitika zvakatishaisa shumo. Takati rimwe zuva taenda kunobata hove sezvatinosingoita kana mvura yava shoma. Taisvika totanga kugofa-gofa mubako rebge iroro kuti hove dzivhiringike dzigobuda mubako. Ipapo ndipo pataizopinda totanga kubata hove nemaoko.
Zvino zuva iri takati tasvika ini nemunin'ina wangu takagofa mubako muya semazuva ose. Nenguva isipi ndakanhwa mvura kuti kumeso kwedu kuti waaa! Takati svetu ndiye chubwi chubwi ticbibuda mumvura ndomunomira kwakadaro hana dzichibika manhanga. Takanyahwaira ini mberi munin'ina achitevera maziso akawetswa tichida kuona kuti chaiva chii? Tichingosvika mvura yakanzi bvundu zvakare ichipfachurigwa kwatiri tikati tsoka wakandiisepi?
Kubva musiwo hatina kuzonobata hovepo zvakare. Asi kuti tizive kuti chii zvakakone n,anga, waingoti uchingosvikapo mvura yaibvundugwa zvokuti waishama woga. Takamboti asi pane chingwenamutope? Kana kuti waiva muramba waiva wakurisa mubako iri, asika waigoziva sei kuti vanhu vasvika regai ndichipfachura mvura?

Monday, December 18, 2017

HATAIZIVA

Ndikarangarira kuyemedzana kwataiita
Nevadiwa vezera tonge tichachata,
Hama neshamwari vezera zvichinge mhuri.
Kudyidzana kwedu kwaikunda dzavana buda ndibudewo mhuri
Taifamba vaviri-vaviri sehangaiwa,
Asi urongwa hweramangwana redu hwava,
Nokuti hataiziva kuti upenyu chii.

Upenyu hwandisandukira muno mudhorobha,
Nzvimbo nenzvimbo dzakati kuti ndashanya
Ndichitsvaka zvekare mufaro asi ndaushaya,
Uyo wataiva nawo pachikoro makei
Uyo wataifara zvedu pasina aiti hei!
Mukutandadzana pasina upenyu hwairongwa
Nokuti hataiziva kuti upenyu mwene wahwo.

Bvunzo dzedu takabudirira zvakanaka
Kupfuura gurumwandira revakambodzidza zvakanaka,
Kunyange zvedu taive neroparembwa
Rokushaya vadzidzisi tichizvionera.
Muzvidzidzo zvizhinji zvatairwisa nechido chokubudirira
Takarwa nebvunzo semvumba tikabudirira
Asi hataiziva zvaive zvakatimirira munyika.

Kunoti kwedu munyika tititi
Wanei ha-a! Yakasungwa neutare.
Zvakati vamwewo vakaita rombo rakanaka
Ndokupfuurira mberi nedzidzo.
Mukati mesanduko takarwadziwa nepesano pakati pedu,
Nokuti tese nevakaita rombo rakanaka
Hataiziva kuti kuparadzana kunorwadza.

Zvakazondibaya pamwoyo somunzwa
Pandakafunga kuparadzana kwangu nomudiwa,
Ndichirangarira edu mazuva newangu mudiwa,
Taive nerudo rwebhande nebhurukwa,
Shamwari dzainge hama pakutitsigira.
Pakufara kwedu taisava netariro yepesano
Nokuti hataiziva kuti upenyu injake-njake.

Nokuti upenyu injake-njake,
Munyika umwe neumwe ava kwake.
Rudo, ushamwari nomufaro zvati hwa-a.
“Shanduko chikamu muupenyu shamwari ndakainzwa,
Ikauya wakavarairwa inokurwadza somunzwa.”
Akadaro mumwe wedu kwatiri rimwe zuva
Nokuti hataiziva kuti ndozvinoita upenyu.

Zvinonzi vakamboonana havashayane,
Naizvozvo munyika tichasangana.
Vehama zvinonzi nzira masanga,
Naizvozvo munyika tichasangana.
Upenyu idanda unotozvivezera,
Saka hwedu upenyu taifanira kuzvigadzirira,
Asi zvese mupfungwa taisazviziva
Nokuti hataiziva chakanaka nechakaipa.

Kunemi vanin’ina muri kutevera,
Upenyu hunorongwa pachikoro muchadzidza.
Chitsvakai zvino makwara akanaka moatevedza,
Kana zvechikoro zvichikukundai, zvizhinji imi munokwikwidza.
Munavo vadzidzisi vanokupai ruzivo,
Mukavaremekedza vanokupai yambiro
Hamuzopindi munyika musinawo chezivo.
Kana kuzochema nairori shoko rekuti:-
Hataiziva kuti ndozvinoda upenyu.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro
@2017

NDIKO KUPINDANA KWAMAZUVA

Veduwe-e chisingaperi chinoshura!
Kuonana, kufara nokugara pamwe,
Kuzvitaura nhasi zvese dzenge ngano,
Zvakaenda nemisi semiti inokura,
Zuva nezuva, vhiki nemakore tinokura,
Mifaro tichifara asi zvichipfuura.
Zvisinei, chapera chapera zuva hariite nhendeshure,
Ndiko kutopindana kwamazuva.

Zvikombwe kuparadzana nehama dzepamwoyo
Kana kuparadzana neshamwari dzepamwoyo.
Kundiona ndakashurikirwa indangariro
Ndichifunga mazuva erufaro zvadzoka mundangariro.
Kuonana nhasi neshamwari angove masanga,
Nyaya dzichingove ngano dzemazuvayo tasangana,
Asi kuzvifunga zvese nhasi angove maroto
Nokuti ndiko kupindana kwamazuva.

Hama neshamwari vezera, mikohwo kuvabereki takapira,
Vabereki nemufaro usingatuvidzwi, nedzidzo upenyu vakatikagdzirira,
Tikapembedzana sehangaiwa, ramangwana tichikurukura,
Semombe mubani, munyika tapararira,
Mubishi renjake-njake, upenyu tichigadzira.
Kukura takakufarira tisingazivi kuti
Ndiko kutopindana kwamazuva.

Zvese izvi kufunga hazvichadzokorwa
Nokuti zvazuro namakei zvakatorwa.
Chishingai vezera rangu mubate nesimba,
Kwete kugarira maoko kuita tsimbe.
Pakusangana kwedu risava demberano asi mufaro,
Kudai izvi kuitira kurasa ndangariro,
Zvichidai makore achitowanda samazuva
Nokuti ndiko kutopindana kwamazuva.

Vazhinji nhasi tave neveduwo vana,
Kuchazotevera zvizukuru zvana zvevana,
Zvishoma zvishoma minhasvu igodzoka,
Kumeso makoronga paganda agokaka
Wanei ai, mangwana tobata midonzvo!
Zveujaya kuzvifunga pfungwa dzopereverwa nazvo,
Vamwe vaya tongonzwana nerunyerekupe
Hanzi ngana akashaya, ngana akazodai

Nokuti ndiko kupindana kwamazuva.

NaNyanduri Tafdzwa Moyo
#Tipndewo Mudariro
@2017

Monday, November 27, 2017

MASHOKO

Kanda zvako mashoko paunodira
Potsera zvako mafafa nemagaramoyo
Kanda zvako anenge munondo unocheka kwese
Potsera zvako unyatsobaya panyama nhete
Unei nazvo kuti anondigogona ako magaramoyo
Iwo moyo wako wakaoma sedombo!

Vhiya zvako unatsondisasika pazuva
Ndichere zvako urasire zvose zvishonhwa kwandiri
Udaro zvako ndisare ndareruka zvangu sezambuko
Udaro zvako ndisare ndangova rengenya
Unei nazvo kuti panyika ndiri munhuwo ane chiremerera
Chinodawo kuchengetedzwa kuti ndinzi munhu
Iwe uri mugonazvose asingacheuki vamwe!

Kunyange ako mashoko achinge hwenyoka uturu
Achivava senduru kana hurukuru
Uchiita ekurutsa nepamuromo pasingamhari nhunzi
Vazhinji tichisona muromo paunotaura
Nekuti zvemuvare wemashoko zvinotivhiringa
Rimwe zuva uchawana gone wakowo

Nekuti gone ana gone wakewo.


NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro @ 2017

NDINONZWA

Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mumboteyawo nzeve kuzvandinonzwa
Dzimwe nguva sendisiri munhu ndinonzwa
Kupera simba kunge ndoda kupepereka
Ndovhunduka zvinoti kwatara ndisina katurike.

Ngoma kurira muhana ndinonzwazve
Sendine mhosva ndomboringa-ringa
Hana yangu manhanga yombobika
Sendatarisana neshumba chikara
Ndinonzwa ndobvunda serutsanga mumvura.

Sendamwira magopwe mashoko
Anondizarira zvonditi rukurira munduri
Ndonyandura saka ndichinzi Nyanduri
Nekuti nduri ndinonzwa dzichidururwa mandiri
Saka ndinzwei mandiri mune zvandinonzwa.

Ndinonzwa zevezeve munzeve
Vataurire vateye nzeve
Ndivapakurire mupakwa wamangwana
Mangwana vasapingwa nemutanda wazuro
Zuro vakandinyira nzeve nawo vakapingwa.


Ndinzweiwo dzangu hama ndinonzwa
Mukaona ndonyandura zvimwe ndanzwa
Kurudziro yezvamakambobata zvakanaka
Nemaungira emhosho dzakamboitwa.
Zviuya zvichauya ndinonzi ndikuzivisei
Chenjedzo yekuti mucharike mitanda
Ndinonzwa zvichindisunda
Kuti nyora, nyora ramba uchingonyora!

Ndinonzwa kuti nyora, saka ndiri munyori!


NaNtanduri Tafazdwa Moyo
#Tipindewo Mudariro! @ 2017

Thursday, October 26, 2017

SAHWIRA

Waroverepiko nhai sahwira?
Usipo semhou yarasa mhuru ndaidzungaira,
Wakangonyangarika seguyo rakandwa mugungwa
Ndikati zvimwe namakororo enhare wapingwa
Kana kuti dandemutande ramasaisai kwauri radimurwa
Ini ndovimba kuti zvangu zvinyorwa uchaparura.

Pandinozadzwa nenduri dzoda kunyandurwa
Ndinoshaya ndiyani wandinganyandurira.
Pandinozvimba motashungu rizere nganonyorwa
Ndinoda iwe uritumbure ndinzwe kufefeterwa
Zvirokwazvo uri mumvuri wemafemo kuturira
Unondisimbaradza mune ichi chipo
Saka ndichisuwa nguva idzo unenge usipo.

Zvinodaro nokuti tiri shiri dzimwe
Nomuririro weduzve ndomumwe
Saka ndisingadi kukushaya zuva rimwe.
Pandinonyandura unobvumirawo nenduri
Wondikurudzira kuti ndimire sanyanduri
Tochidzidzana samadzimai muduri

Ndiri kuno ndinozwa “Mabvumira Enhetembo”
Ndobva ndaziva kunobva “Mutinhimira Wedetembo”
Asi ndinoshaya mapindiro mu”Dandaro Nenhetembo.”
Paya wakavanzwa pavakati “Tipeiwo Dariro”
Sezvo vatsva vetsambo wakavapa dariro

Iwewo nhasi chidaira ndinoti “Tipindewo Mudariro!”



NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Monday, September 25, 2017

NDAITI SHAMWARI....

Ndaiti shamwari ndeuyo wandakamboona nameso
Wandinogara ndichitaura naye panhare nepawatsiapu
Ndaiti zvimwe shamwari ndeuya wandakadzidza naye kuchikoro
Kana wandakashanda naye kubasa kwemakore.

Ndaiti kuda shamwari ndewandinobata naye kukereke’yo
Kana muvakidzani wandinonzwana naye,
Ndaitizve shamwari ndeuya wandinogara ndichishanyirana naye
Anopota achindipa mari ndomuti munhu kwaye.

Ndaitiwo shamwari ndiyonini anondiyananisa nemhuri tapesana
Kana yekera wandinogara ndichinwa naye doro,
Ndaiti shamwari nditicha nhingi vaindifevha kuchikoro ndafoira
Kana Mayaya wemumugwagwa anorega ndichifamba nemota isina kukwana nerweseri
Ndaitizve shamwari ndigweta nhingi akandimiririra kuramba mhosva yandakapara
Kana mufundisi yeyo akarega ndichitorana nemudzimai wanhingi nekuti ndine dzamatsama remari

Ndaiti shamwari ndimaneja Mujubheki akandipinza basa nembudzi yandakamubhadhara
Kana dhiredhi akandipinza mune akazodhirika embanje nekuba madhiri
Ndaiti shamwari ndimukoti yeyo anondidaridza mutsetse ndanonoka kuchipatara
Kana sabhuku Vharazipi asingandishaisi keya chero ndiri muzvinabhizimusi

Asi zvino ndaona kuti idzi handi shamwari,
Ko zvino ndiani wandingati shamwari?
Ndiri mucheche zvizhinji ndakanga ndisingazivi
Asi ndakazoti ndava chimunhu, ndakaziva!
Kana zvino handisakaziva kuti shamwari chaiyo ndeipi
Asi kuzoti ndava chimunhu, ndichaziva

Kuti shamwari nd..................................

NaNyanduri Tafadzwa Moyo (c) 2017

Saturday, September 16, 2017

CHIONA ZVAWAVE

Nhai Muchazviona mwana’ngu
Waive washayei chaizvo?
Wakazvirinze nyika ukati ndave chigondora
Iwe uchine mukaka pamhino,
Iwe wakarambazve kudya mabhuku,
Waiti unonotangira papi nhai mwana’ngu
Iwe wakakanda pasi mabhuku uchi mudiki?

Waona kuti mari haimuki,
Wakamutsa yako kambani,
Kambani yokuponda nokubvutira vanhu mari
Mari yamaipondera vaishaya yokukupai,
Pashure pokuvavhiringidza kuti vakupei mari.
Waiti unoenda nepiko nhai mwana’ngu?
Zvino nhasi chiona zvawave.

Wave mumaoko avo vanamugaradzakasungwa,
Waiti zvichakusvitsepiko nhai Muchazviona?
Mirimo yenyu vana inotikanga mate mukanwa.
Miromo yevakuru haiwiri pasi.
Waiuya namazakwatira ayo mari,
Mari yamaitorera nokubvutira vanhu,
Isu tikambofunga kuti zvimwe wauwana munda,
Munda unobuda goho,
Nyamba taitobata chakati tende.

Takambobvunza kuti woshanda here?
Iwe ukatenda nomuromo chete
Iwe uchiziva zvako zvauri.
Ona wakatikoromorera yeuya muNdau ngozi,
Ngozi yawakaita yokutivhimira nedemo.
Waiti zvinoguma nei nhai mwana’ngu?
Asi nhasi chiona zvawave.

Ko zvino zvawakazouraya vako baba
Nokusaziva uchiti mufambiwo zvake?
Kana iye mupfuurinanzira ndiye anganzarwo?
Zvino iwe zvowoenda kumazivandadzoka
Ndichagona kuriritira here iyi mhuri?
Mhuri yakadyirwa baba newe ka-ani!
 Kutirumisa here Muchazviona nechawakachera!
Waisaziva here kuti chivi hachieri musi wacharimwa?
Asi chitarisa uone nhasi zvawave.

NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro (c) 2017

Maungira eZimbabwe Book Review - By Uncle Sipet

  MAUNGIRA EZIMBABWE BOOK REVIEW By Uncle Sipet/Black Mampara Date: 26/04/21 •Book Title: Maungira eZimbabwe •Publisher: Dariro paZimbabwe, ...