Tinogona
kutaura newe
Uchigutsurira,
iwe usingatihwi!
Unogona kurova
manja
Sevamwe, iwe
usingandihwi!
Tinogonazve
kuva pano newe
Mumhi bedzi,
isu tisinewe!
Kazhinji
ndozvazvinoita kana pfungwa dzakubata
Patinoseka,
unosekawo mwene seunesu,
Kukuvhunza
chasekwa hwava, nokuti haupo!
Neavo meso havaoni
kuti haupo!
Vanotiona mumhi
vanoti tiri vana,
Izvo tiri
vatatu muhwedu vuna.
Sedhambakura
musoro unogutsurira tichitaura,
Kuvhunza
chawanzwa hwava pane zvataurwa.
Hazvitishamisi,
nokuti zvinodaro kana pfungwa dzakubata.
Vanokuona
vanoti unovona,
Kwavari
zvakavanzika kuti hauvoni.
Vazoti pawayambuka
mugwagwa vazovona,
Mota
dzotsikigwa chepakati kwako kusavona.
“Harisi bofu
chete asizve imatsi!”
Adaro mutyairi
sezvo aridza bhera ukasahwa
Wazopatika
zvino vanhu vati unga-unga
Unoita
seunorota matyewe kana pfungwa dzakubata.
Rega kurega
pfungwa dzichikuitisa chamunyurududu
Nokuti
makununúnu maodzamoyo, anenge nduru
Akaputika
anokuitisa zvisina menduru
Ukaswera
wofamba chimhukutira semhute.
Pane kuti
zvikudye moyo wakazvivanzarika
Durura zviri
muhana kuvamwe ubatsigwe
Nokuti
ndozvazvinongoda hama yangu kana pfungwa dzakubata.
NaNyanduri Tafadzwa Moyo
#Tipindewo Mudariro
Kurume 2018