Wakambogwangura hako hwedu vupenyu;
Ropa ukatevura mushiya ukaseva,
Wakambotichenyeura ako mavanga tinawo
Tinawo
zvedu asi takazokugona wena!
Sedare njere takarodza naVaMushonga;
Tikati kutevedza mapurosija ndiwo wedu mushonga.
Takatsvakurudzazve nezvako navaMahwite;
Hapanazve pakati pedu wauchahwetura.
Neongororo,
takazokugona wena!
Vakambozvireva taungana VaZireva
Kuti tikakurongera, uchazoti vaisireva.
Zvino takukomberana navana Tsitsi;
Shiri yabata rekeni hatichina tsitsi,
Nechedu
chibvumirano, takazokugona wena!
Takugarira zvedu namuzvare Mangwanda;
Hakunazve wauchaita marangwanda;
Ivo vaya-a vawakamaranzura vakakwana,
Nevaya-a vawakataka vakakwana.
Chako
pano hapachina, takazokugona wena!
Ungatidii zvedu varipo VaBeaton?
Vachikupenengura pawaivanda takapaona!
Kana kumakondirakita kwaChomutare
Dzako nzira vakashosha neutare;
Neurongwa
hwebasa, takazokugona wena!
Kana neni zvangu Nyanduri
Kunyandura kudai manyawi;
Ekuziva kuti njodzi nesu mukana hauchina;
Kuda ukaenda zvako kumaChina
Nekuti paMimosa takazokugona wena!